ZIM VS EGYPT: ZESA YOTAURA

Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vari kukumbirisa kukambani yeZesa Holdings kuti isadzime magetsi nemusi weChishanu chino apo chikwata chenyika cheZimbabwe Warriors chichange chichitamba nechemaPharoahs chekuEgypt mumutambo wekuzarura makwikwi eAfrica Cup of Nations (Afcon).

Izvi zvinotevera kudzimwa kuri kuitwa magetsi neZesa ichipa chikonzero chekuti magetsi ari kubikwa negwenya reKariba Power Station ave mashoma nekuda kwekuderera kwaita mvura mudhamu reKariba.

Makwikwi eAfcon ari kutanga nemusi weChishanu uno uye veruzhinji vane chishuwo chikuru chekuona maWarriors achitamba neEgypt mumutambo uyo uchatanga na10 dzehusiku.

Kwayedza inotaura neZesa Holdings nekuita hurukuro nevatsigiri venhabvu avo vari kukumbirisa kuti kambani iyi isadzime magetsi panguva inenge ichitambwa mutambo uyu nemimwe yemaWarriors ichatevera.

Zimbabwe iri muGroup A umo — kunze kwaiyo neEgypt — mune Uganda neDemocratic Republic of Congo DRC.

Mimwe mitambo yeZimbabwe muGroup A, maWarriors achatatsurana neUganda musi weChitatu 26 Chikumi, vozosangana neDRC musi weSvondo 30 Chikumi.

Mutauriri weZesa Holdings, VaFullard Gwasira, vanoti ichokwadi kuti pari zvino Zimbabwe yakatarisana nekushomeka kwemagetsi, asi vanokurudzira veruzhinji kuachengetedza kuitira kurerutsa dambudziko iri.

VaGwasira vanoti sekambani, havangavimbisa veruzhinji kuti magetsi haadzimwe apo maWarriors vanenge vachitamba, asi chido chavo kuti vanhu vakwanise kuona chikwata chenyika chichitamba.

Vanoti nhabvu yakakosha zvikuru uye vanhu vanofanirwa kutsigira chikwata chemaWarriors, nekudaro kambani yavo ichange ichiona kuti yozvifambisa sei apo Zimbabwe ichange ichitamba kuEgypt.

“Tinozviziva chaizvo kuti nhabvu inoda kuonekwa uye vanhu vanoda kutsigira chikwata chavo. Asi, chokwadi chinozivikanwa ndechekuti magetsi ari munyika mashoma, saka mukudaro isu tichange tichionawo kuti ari kunyanya kudiwa zvakadii magetsi acho.

“Chinhu chikuru ndechekuti panguva iyo magetsi anenge ariko, vanhu ngavachengetedze magetsi kwete kuatambisa kuitira kuti kana mutambo wasvika vasazodzimirwa.

“Hatikwanise kuvimbisa vanhu kuti magetsi achange ariko here kana kuti kwete, asi tichange tichiona kuti zvinenge zvakamira sei panguva yacho. Vanhu vakangogona kuchengetedza magetsi chete zvinovafambira zvakanaka,” vanodaro VaGwasira.

Nekune rimwe divi, vanofarira nhabvu muZimbabwe vanoti havadi kutadziswa kuona mitambo iyi, pakati pemimwe, nekuda kwekuti kunenge kusina magetsi. VaTich Mutodi (41) vemuHarare vanoti musi weChishanu uno izuva rinokosha chaizvo muZimbabwe apo maWarriors anenge achitatsurana nemaPharoahs kunhandare yeCairo International Stadium.

“Zesa ngaigadzirise ipapo, musi weChishanu tinoda kuona mutambo uyu tiri kumba nemhuri dzedu. Vakaendesa magetsi musi uyu vanenge vatikuvadza. Tiri kudisisa kuona vakomana vedu vari muhondo vachiradzika Egypt pamusha payo,” vanodaro.

“Ivo vari ikoko kuEgypt kwacho, vanotofara kunzwa kuti nyika iri kuvatsigira uye tiri kuvaona saka zvinovapa simba.”

Mashoko aVaMutodi anotsinhirwa naAbel Piyo (25) achiti, “Kana vakatinyima magetsi mamwe mazuva hatina basa nazvo, asi neChishanu nepamwe panotamba maWarriors, ngaasatomboenda zvawo nekuti isu hatisi kuda kupotsa kuona vakomana vedu vachikweshana neEgypt. Uyu mutambo watakavhurira maziso chaizvo uye ndinoda kutouona chero zviite sei.”

Kuchiti Mai Linda Chazarira-Nyatoro vemuHarare vanoti kudzimwa kwemagetsi musi uchatamba maWarriors kunogona kukonzeresa mudzimba sezvo vamwe varume vanoguma voenda kunoonera mutambo uyu kumabhawa vachisiya madzimai nemhuri kudzimba.

“Ini ndinoona zvichizokonzeresa nekuti kana kusina magetsi vamwe varume vachasiya mhuri dzavo voenda kunoona bhora kumabhawa. Kana maWarriors akahwina — nekuda kwekufarisa — vamwe havatozodzoke kumba saka hatizoziva zvinenge zvave kuitwa ikoko.

“Magetsi ndapota ngaasaenda nekuti tiri kuda kuriona bhora racho tiri kudzimba semhuri. Hapana anoti ndava kuenda kunorionera kubhawa nekuti anoda kusara murima ndiani?” vanodaro Mai Chazarira-Nyatoro.

VaSamuel Horonga vanotiwo Zesa inofanirwa kufadza nyika yose nemusi weChishanu kuburikidza nekusadzima magetsi.

“Musi weChishanu dai veZesa vambotionawo. Mitambo ichange ichitambwa husiku saka vakaendesa havo magetsi masikati voadzosa kuma7 husiku zviri nani, tinoonawo mitambo yechikwata chedu,” vanodaro.

Mai Farirai Mamombe (41) vanoti vana vavo vanofarira nhabvu chaizvo zvekuti vanoshuvira kuve vanaKnowledge Musona nanaKhama Billiat vemangwana.

“Isu tiri vanhukadzi vane chiremerera, hatipinde mumabhawa. Zvino vanoda kuti tiite sei vakaendesa magetsi?” vanodaro.

“Mwanakomana wangu anoshuvira kuve Musona kana Billiat wemangwana, saka ari kutarisira chaizvo kuvaona vachitamba neEgypt yaMohamed Salah uyo waanofarira zvikuru. Zvino kana kusina magetsi shuwa ndingaenda naye kubhawa here kuti tione nhabvu? Hazviite, kana nguva dzacho hadziite kufamba nevana. Panozopera mutambo wacho dzimwe dzenguva matsotsi anenge ave kutenderera. Saka dai Zesa yatinyarawo musi uyu,” vanodaro Mai Mamombe.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×