Zim yadoma chikwata chichabandana neSri Lanka

Abel Ndooka

AIMBOVE kaputeni wechikwata chenyika checricket — Brendan Taylor — akasarudzwa kupinda muchikwata chemaChevrons, icho chichatatsurana neSri Lanka mumitambo miviri yeone-day international (ODI).

MaChevrons neSri Lanka zvichatanga kubandana musi weChishanu chino kuHarare Sports Club uye mutambo wechipiri uchazoveko musi weSvondo.

Apa tichaona Taylor achitamba mitambo yeODI kekutanga kubva mugore ra2021, zvichitevera kudzoka kwaakaita muchikwata chemaChevrons mushure mokunge ambotemerwa zvirango zvekusatamba apo akabatwa nemhosva dzakasiyana-siyana. Mwedzi uno, Taylor akashevedzwa, akapinda muchikwata chemaChevrons chemitambo yetest match, icho chakatamba neNew Zealand kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

Achitaura pamusoro pekudzoka kwaTaylor, convener of selectors kuZimbabwe Cricket (ZC), David Mutendera, anoti sechikwata, vakamugamuchira nemaoko maviri uye kudzoka kwake kuchaunza unyanzvi mumatambiro avo.

“Tine mufaro nekudzoka kwaBrendan muchikwata chedu.

“Ruzivo rwake uye unyanzvi hwake hwakatikoshera, kunyanya panguva iyo mutambo unenge wakaoma, saka tinofara kuti kudzoka kwake kuchasimudzira chikwata chedu,” anodaro.

Zvakadaro, ZC yakaumba chikwata chevatambi 16 avo vachasangana nemaLions eSri Lanka mumitambo miviri iyi yeODI.

Mitambo yeODI ichipera, maChevrons nemaLions achatamba mitambo yeTwenty20 International Series mazuva anoti 3, 6 na7 Gunyana.

Chikwata cheODI chemaChevrons

Craig Ervine (kaputeni), Brian Bennett, Johnathan Campbell, Ben Curran, Brad Evans, Trevor Gwandu, Wessly Madhevere, Clive Madande, Ernest Masuku, Tony Munyonga, Blessing Muzarabani, Richard Ngarava, Newman Nyamhuri, Sikandar Raza, Brendan Taylor, Sean Williams

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *