Zim yakahwinha kuScience Fair

Kudzai Chabara (kuruboshwe) naAudrey Vengesai.
Kudzai Chabara (kuruboshwe) naAudrey Vengesai.

ZIMBABWE yakahwapura mukombe weWolfram Research Inc kuPhoenix Arizona kumakwikwi e67th Intel International Science and Engineering Fair akaitirwa kuUnited States of America apo yaimirira Africa.

Zimbabwe yakahwinha mukombe uyu mushure mekuratidzira firiji inoshanda nemuto wemaremani, madota pamwe nefetereza yakagadzirwa nevana vanodzidza paQueen Elizabeth Girls High School, muHarare, vanoti Kudzai Chabara naAudrey Vengesai.

Dzimwe nyika dzaimirira Africa ndedzinoti Tunisia, South Africa, Egypt neNigeria.

Muhurukuro nemukuru weZimbabwe Science Fair, Knowledge Chikundi, anoti vari mudenga rechinonwe zvichitevera mukombe wavakahwinha uyu.

“Takanzwa kusimudzirwa senyika kunomirirawo Africa kumakwikwi ezvidzidzo zveScience aya. Kwaiva nevanhu vaidarika 15 000 avo vaisanganisira vana vechikoro vairatidzira mabasa avo emawoko, vanamuzvinafundo nevamwewo.

“Isu takaratidzira purojekiti yefiriji inoshanda isina magetsi, iyo inoshandisa muto wemaremani, fetereza nemadota chete,” anodaro Chikundi.

Anotenda zvikuru vatsigiri vakaita kuti vakwanise kunokwikwidza kumakwikwi aya vanosanganisira Zimbabwe National Army, mahofisi anomirira nyika yeUnited States muZimbabwe, bhanga reCBZ nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Anoti Science Fair iri kufambirana nechirongwa chekukurudzira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering, neMathematics (STEM) mukuvandudza dzidzo yemuZimbabwe.

“Donzvo nechivimbo chedu kusimudzira zvidzidzo zveScience zvinova zvichaita kuti tikwanise kugadzirawo michina nekusimudzira upfumi hwenyika pasina kunotora michina kunze kwenyika,” anodaro Chikundi.

“Gore rinouya mumwedzi waChivabvu tiri kudzokera kuLos Angeles kumakwikwi e68th Intel International Science and Engineering Fair nemapurojekiti edu matanhatu,” anodaro.

Anoti vachanokwikwidzawo kumakwikwi eNorthern Gauteng Expo for Young Scientists ekuSouth Africa muna Nyamavhuvhu.

 

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×