Zim yamirira Sri Lanka

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri mushishi kuita gadziriro, apo chakatarisana nekuzosangana neSri Lanka mumitambo mishanu inoti miviri yeOne-Day International (ODI) nemitatu yeTwenty20 International Series.Mitambo yezvikwata zviviri izvi ichatanga nemusi wa29 Nyamavhuvhu uye yose ichatambirwa kuHarare Sports Club, muHarare.

Zvikwata zviviri izvi zvichatanga kubandana mumitambo yeODI, iyo ichatambwa mumazuva anoti 29 na31 Nyamuvhuvhu; yeT20 ichizotambwa musi wa3, 6 na7 Gunyana.

Kuuya kuchaita chikwata cheSri Lanka kachange kari kekutanga kubva mugore ra2020 apo maLions aya akapedzisira kuuya muZimbabwe kuzotamba nemaChevrons.

Mugore ra2020, maChevrons nemaLions eSri Lanka zvakasangana kuHarare Sports Club, ndokutamba mitambo miviri yeTest match, iyo yose yakazohwinhiwa neSri Lanka.

Zimbabwe iri kupinda mumutambo uyu ichangobva kusangana neNew Zealand, iyo yayange ichibandana nayo mumitambo miviri yeTest match series yakatambirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

Mitambo yose iyi yakazohwinhiwa neNew Zealand.

Munguva pfupi iri kutevera, murairidzi wemaChevrons anotarisirwa kudoma chikwata chake, icho chichasangana nemaLions eSri Lanka.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *