Zim yobatsirwa nechibage

Muchaneta Chimuka

NYIKA yeJapan yakapa Zimbabwe rubatsiro rwematani 20 000 echibage pasi pechirongwa cheFood Deficit Mitigation Strategy (FDMS) kuburikidza nesangano reWorld Food Programme munguva pfupi yadarika.

Izvi zviri kuitwa nedonzvo rekusimudzira raramo yevanotambura panguva iyo nyika ino iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Chikafu ichi chine chinangwa chekuderedza nzara nehurombo kuvanhu vanotambura.

Rumwe rubatsiro rwerudzi urwu rwematani 30 000 echibage rwakapihwa Zimbabwe zvakare neJapan mumwedzi waChikumi 2020.

Sangano reWFP rinopembedzwa nekubatsira kwariri kuita vanotambura, zvikuru apo raramo yevanhu uye upfumi hwenyika hwakaderera nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pakutambidzwa kwerubatsiro urwu, gurukota revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Professor Paul Mavima, vanotenda Japan nekutsigira kwainoita Zimbabwe.

“Kuuya kwechirwere cheCovid-19 munyika muno kwakaderedza kana kukanganisa dzimwe nzira idzo dzaiita kuti vanhu vabatsirikane muraramo izvo zvakaona kuwanikwa kwechikafu kuchiderera. Tinotenda vatsigiri vedu Japan neWFP mukuona kuti vanhu vemunyika muno vayambutswa munzara,” vanodaro.

Mumiriri weJapan muZimbabwe, Ambassador Satoshi Tanaka, vanoti hurumende yavo yakazvipira kubatsira Zimbabwe mune zvakasiyana.

Muzvare Francesca Erdelmann, avo vakataura vakamirira WFP, vanoti vacharamba vachishanda neZimbabwe mukurwisa nzara kuitira kuti zvinangwa zvekupedza nzara zviderere panozosvika gore ra2030 (Zero Hunger Agenda).

Nyika yeJapan iri kubatsira zvakare Zimbabwe mumabhindauko anosanganisira kusimudzira raramo yeveruzhinji kuburikidza nezvirongwa zvakaita sekurima, kuvandudzwa kwemadhamu nekuvakira madzimai akazvitakura dzimba dzekugarira vachimirira kubara idzo dzinenge dziri padyo nezvipatara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×