Zim yonanga kuAfrobasket

CHIKWATA chebasketball chenyika chevarume svondo radarika chakaenda kuHamburg, kuGermany uko chiri kuita gadziriro chakatarisana nemutambo weAfrobasket Basketball Tournament uchatambirwa kuTunisia munguva inotevera.

Vatambi 14, kusanganisira murairidzi wechikwata ichi – Ellery Pinkerton – nemutevedzeri wake pamwe nanachiremba vaviri, ndivo vakaenda kunyika iyi.

Zimbabwe yakaiswa muGroup D mumutambo weAfrobasket uyu umo ichasangana neCote d’Ivoire, Cape Verde Islands neAlgeria.

Head of Protocol Media and Publicity weBUZ, Shinga Magede, anoti chikwata chavo chiri kushandisa mukana wekuenda kuGermany kunodzidza zvakawanda zvemutambo uyu.

Magede anoti kuGermany kune nhandare dzemhando yepamusoro nekudaro izvi zvichavabatsira mugadziriro dzavo.

“KuGermany kune nhandare dzebasketball dzakawanda dzemhando yepamusoro saka takazviona zvakakodzera kuti tiende timbonopedza svondo tiriko tichiita gadziriro dzedu.

“Tinoziva kuti zvichatibatsira apo takatarisana nemutambo weAfrobasket uyo tichatambira kuTunisia. Tichabvako tobva taenda kuTunisia kunokwikwidza,” akadaro Magede.

Mutambo weAfrobasket Basketball uchatanga musi wa19 Nyamavhuvhu uye uchitarisirwa kuzopera musi wa30.

Zvakadaro, zvikwata zvichahwinha kuTunisia ndizvo zvichakwanisa kuenderera mberi kumutambo we2016 Summer Olympics Basketball Tournament uyo uchatambira kuBrazil.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×