Murume azviuraya nemadharameta

Kingstone Mapupu
MURUME wekuMbizo kuKwekwe akazviuraya nekuzviputitsira madharameta nekuda kwechikonzero chisina kukwanisa kuzivikanwa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa18 Kubvumbi nenguva dza12 masikati pamba pemuchakabvu uyu kuMbizo.
“Murume akawanikwa akafa uyu anonzi Talent Runi (25) uye nemusi uyu, Tinotenda Tsvangira (23) anova munin’ina waRuni anoti vakabva vose kumusha kuGokwe ndokusvika mudhorobha reKwekwe vachibva vasiyana Runi ndokuenda kumba woga,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti nenguva dza16:24 pm, Tsvangira akazoridzirwa nhare natete vake kubva kuHarare  vachimutaurira kuti aende kumba kunotarisa sezvo vaiti Runi aiva avimbisa kuti aida kuzviuraya.
“Tsvangira akabva amhanya kumba sezvo vaigara vose apo akasvika ndokuwana madhoo ose epamba apa akakiiwa nemukati. Akabva apinda mumba nepahwindo ndokuwana Runi akatofa kare mutumbi wake uri pamubhedha, ndokuenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuMbizo ZRP,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakaonekwa kuti mutumbi uyu mazino aiva akadzurwa nechinhu chine simba akamwararika mukati memba makazara ropa pasi nemumadziro.
“Uyewo mumba umu makaonekwa zvinoputika zvaiva zvashandiswa nezvimwewo zvaiva zvisina kushandiswa, maivawo netambo dzinoshandiswa nezvinoputika kana kuti ma’dynamites’. Mabhokisi emachisi aiva akazara pahuriri nemumba mose,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti zvakazobuda pachena kuti murume uyu akazviuraya achishandisa madharameta anoshandiswa pakuputitsa matombo.
“Senguva dzose, tinokurudzira vanhu kuti kana vaine zvinovanetsa ngavatsvage vekutaura navo vakaita semapurisa, mafundisi, masabhuku,  madzishe nevamwe vakuru munzvimbo votaura matambudziko avo pane kuzviuraya nekuti kufa hakuna chakunogadzirisa kunze kwekusiira mhuri matambudziko,” vanodaro Insp Mahoko.
PIX: Akazviuraya nekuzviputitsira zvombo-25/04/25

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *