Zim yotarisira maguta

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE iri kutarisira kuwana chibage chinoraudzira nematani 812 000 gore rino, zvinova zvinotaridza zvibereko zvematanho akasimba ari kutorwa neHurumende yeSecond Republic mukusimudzira nyaya dzekurima munyika.

Mashoko aya akaburitswa naDr Jenfan Muswere, vanova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, apo vaitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet muHarare nemusi weChipiri svondo rino.

“Apo chirongwa chekuvandudza cheSecond Republic chiri kuramba chichiita zvibereko, nyika iri kutarisira kuwana chibage chinoraudzira nematani 812 000. Izvi zviri kubva pakuti mudura renyika muchange muine matani 3,01 miriyoni, anosanganisira goho riri kutarisirwa rematani 2 928 206 uye matani 83 526 ari mudura pari zvino kana zvichienzaniswa nematani 2.2 miriyoni anodiwa nenyika pagore,” vanodaro Dr Muswere.

Vanoti chibage chiri kutarisirwa kuraudzira uwandu hwacho zvakanyanyisa kana pachishandiswa chikero chepakati nepakati chemudunhu reSADC (Southern African Development Community) che8.5 kg pamunhu pamwedzi kana kuti chenyika che7.7 kg pamunhu uye pamwedzi zvakare.

Hurumende, vanodaro Dr Muswere, icharamba ichitsigira Grain Marketing Board (GMB) kuitira kuti ikwanise kutenga chibage nezvimwe zvirimwa nenguva.

Vanoti mwaka wekutengeswa kwedonje wa2025 wakatanga nemusi wa9 Chikumi uye kusvika pari zvino makg 311 000 atengeswa kumakambani manomwe emakondirakiti.

“Panyaya yekutengeswa kwefodya, pane budiriro huru; yose yatengeswa kusvika pari zvino yadarika makg 300 miriyoni, ayo ange akatarisirwa pasi peTobacco Value Chain Transformation Plan kusvika pamakg 309 120 966. Izvi zvinotaridza kukwira nechikamu che45.65 percent kana zvichienzaniswa nemakg 209 miriyoni akatengeswa muna 2024 uye kutengesa kuchiri kuenderera mberi,” vanodaro Dr Muswere.

Zvisinei, mutengo wepakati nepakati wakadzikira zvishoma kubva paUS$3.45 kuenda pa$3.36 pakg.

Panyaya yekurimwa kwegorosi, mahekita anodarika 122 142 adyarwa kusvika pari zvino kana zvichienzaniswa ne120 000 ange akatarisirwa.

Dr Muswere vanoti Hurumende iri kuramba ichiongorora zvikwanisiro zvinodiwa nevarimi kuitira kuti goho regorosi remwaka wemuchando gore rino risvike matani 600 000.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *