Zimbabwe, UN vobatana kubatsira vari kudzoka kubva SA

Thupeyo Muleya ari kuBeitbridge

HURUMENDE nesangano remubatanidzwa wepasi rose reUnited Nations vakanyorerana pasi chibvumirano chekushanda pamwe chete mukuunganidza zviwanikwa zvine chinangwa chekusimbisa rutsigiro rwekubatsira zvizvarwa zvemuZimbabwe izvo zviri kudzoka kubva kuSouth Africa.

Chibvumirano ichi chakasainwa nemusi weChina panzvimbo iri kugamuchirwa vanhu ava yeReception and Support Centre iri kuBeitbridge, neGurukota rezvekutongwa kwematunhu nemabasa everuzhinji, Cde Daniel Garwe, pamwe chete naUnited Nations Resident Coordinator, Dr Rosemary Kalapurakal.

Hurongwa uhwu hunotarisirwa kusimudzira rubatsiro rweHurumende neUN mukuunganidza zviwanikwa zvekutsigira huwandu hwevagari vekuZimbabwe vari kudzoka kumba zvichitevera mhirizhonga yevanhu vanopikisa kuvapo kwevatorwa muSouth Africa.

Kubva musi wa28 Chivabvu, Hurumende yakabatsira mukudzoserwa kumba kwevagari vemuZimbabwe vanodarika zviuru makumi matatu nenhatu kuburikidza nechiteshi chemuganhu weBeitbridge, ukuwo vamwe vanosvika zviuru makumi manomwe vakadzoka vari vega kuburikidza nechiteshi chimwe chete ichi.

Vachitaura mushure mekushanyira nzvimbo yekugamuchira vanhu iyi, Dr Kalapurakal, vakarumbidza Hurumende nekushanda zvine hurongwa uye kubatana mukubatsira vanhu vari kudzoka ava.

“Ndafadzwa nemaitiro uye kurongeka kuri kuitwa neHurumende yeZimbabwe. Nzvimbo yekutambira vanhu vari kudzoka iri kushanda zvakanaka. Vari kudzoka vari kugamuchirwa neruremekedzo uye vachipiwa rutsigiro rwekutanga.”

Vanoti sangano reUnited Nations richaramba rakazvipira kutsigira zvirongwa zveHurumende mukuona kuti vanhu vari kudzoka vabatsirwa nezvakadai sechikafu, kuwaniswa utano hwakaringa, zvekufambisa uye rutsigirwo rwekuti vasanyanye kufunganya pamusoro pezvavakasangana nazvo.

Cde Garwe vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru mukubatsira vanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa.

“Chirongwa ichi chinotipa gwara rakajeka. Chichatibatsira kuunganidza zviwanikwa zvekuwaniswa magwaro (akadai sezvitupa kune vasina), kuongororwa kweutano uye kubatanidzwa kwevanhu.”

Vanorumbidza masangano akasiyana ari pasi peUnited Nations, masangano akazvimirira nemapoka emunharaunda mukubatsirana neHurumende kubva pakatanga chirongwa chekudzoserwa kwevanhu kunyika dzavo.

“Vanhu vedu vari kudzoka mumamiriro ezvinhu akaoma. Tine basa rekuvagamuchira, kuvatsigira uye kuvabatsira kutangazve hupenyu hwavo,” vanodaro

Beitbridge Reception and Support Centre iri kushanda siku nesikati, ichigamuchira vanhu vari kudzoka, kuongororwa nyaya dzeutano hwavo, kupihwa chikafu uye rubatsiro rwekufambisa kuenda kudzimba dzavo.

Cde Garwe vanoti vanoti Hurumende icharamba ichishanda pamwe chete nemasangano anosimudzira nyaya dzebudiriro kuti ive nechokwadi chekuti kudzoka kwevanhu vemuZimbabwe kwakachengeteka, kwakarongeka uye kune ruremekedzo.

Kunyorerana pasi kwechibvumiramo cheJoint Resource Mobilization Plan kunotarisirwa kuvhura rutsigiro rwemari nehunyanzvi kubva kumasangano eUnited Nations nevamwe vanobatsira mukusimudzira nyaya dzehupfumi mumwedzi iri kuuya.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×