Zimpapers Cancer Walk yakabudirira

Muchaneta Chimuka

AKANGE ari makuwerere nomusi weMugovera wadarika apo kambani yeZimpapers yakabatana nesangano reIsland Hospice nevamwe vatsigiri vane chitsama mukuita zvirongwa zvekufamba kwechinhambwe chemakiromita mashanu mumaguta eHarare, Bulawayo neMutare nechinangwa chekuunganidza mari yekurwisa chirwere chegomarara uye nekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pedenda iri.

Chirwere chegomarara chiri kushungurudza vanhu vazhinji munyika pamwe nekutora upenyu hwevakawanda.

Mutauriri wekambani yeZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti chiitiko ichi chakabudirira zvikuru.

“Takafara zvikuru nehuwandu hwevanhu vakapinda muchirongwa ichi uye chinangwa chedu chakanga chiri chekuunganidza mari yekuti tibatsire vanhu vari kutambudzwa nechirwere chegomarara. Hatisati taziva huwandu hwemari yatakawana pari zvino uye tichaiendesa kusangano reIsland Hospice,” anodaro.

Tonhodzayi anoti chirwere chegomarara hachina rusarura sezvo chichibata munhu wose kusanganisira vapfumi kana varombo, nevana nekudaro zvinoda mukomberanwa kuti vanhu vawanikwe vachitsigira vanacho kuti vawane rubatsiro rwekurapwa.

“Ndinotenda zvikuru rutsigiro rwatakawaniswa nemakambani nemasangano anodarika 12 seNational Aids Council, Homelink Finance, FBC Holding Limited, Tanganda Tea-Tingamira, Megafest Holdings, Medirite Health Care, Medirite Distribution, Beta Holdings, Ngoda Granites, Manicaland Monitoring Club, First Mutual Health, Corporate 24 Hospital Group, bazi rezveutano nekurerwa kwevana, Zimbabwe National Family Planning Council nevamwe,” anodaro.

Pazuva iri, vanhu vakawaniswa mikana yekuvhenekwa zvirwere zvegomarara, HIV, bp neshuga pachena uye vaitiswawo mitambo inosimbisa muviri seZumba.

Chiitiko ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tinokwanisa, Danho Rega Rega Rinoverengwa”.

Gore negore mumwedzi waGumiguru, kambani yeZimpapers inoita chirongwa ichi senzira yekuparadzira mashoko echenjedzo maringe nechirwere chegomarara uye kutsvaga mari yekubatsira varwere vegomarara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *