Mbavha yemuzvitoro yopika jeri

Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wechidiki wekuChitungwiza — wekupaza chitoro chemuridzi achiba magirosari achitengesa — akazoigochera pautsi apo akabatikidzwa ndokusungwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Blessing Murwisi, akapa Takudzwa Kasikwenyu (18) wepanhamba 2520 St Mary’s chirango chekugara mujeri kwemakore mana pamhosva mbiri dzekuba.

Mutongi akazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari $512 musi wa20 Zvita wegore rino usati wadarika. I

zvi zvakaona, achapika makore matatu azere.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa28 Gumiguru gore rino munguva dzemanheru, mumhan’ari Rodwell Saradinya (24) wepanhamba 29957 Unit P, Chitungwiza akavhara musuwo nemahwindo echitoro chake semazuva ose.

Kasikwenyu akabva aenda kunopaza chitoro ichi akaba girosari .

Zvinhu zvaakaba izvi zvaikosha $146 uye zvakawanikwa zvose apo akazobatikidzwa nemurindi wepachitoro ichi apo aiva mushishi ykuba achibva asungwa.

Kasikwenyu anobvuma mhosva yake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *