Zimpapers Cancer Walk yasvika

Rudo Muchedzi

KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers – ichishanda nesangano reIsland Hospice and Healthcare – iri kukoka ruzhinji kuchirongwa chegore rino cheAnnual Cancer Power Walk apo vanhu vachafamba nechinangwa chekuunganidza mari yekurwisa zvirwere zvegomarara nomusi weMugovera 9 Mbudzi muguta reHarare, kuBulawayo, kuKariba nekwaMutare.

Chirongwa ichi chinowanzofambwa makiromita mashanu uye gore rino chinosanganisira kumhanya makiromita gumi muHarare. Vanhu vachatora nhamba yekutanga, yechipiri neyechitatu pamujaho wekumhanya vachawaniswa mibairo yepekugara pachena nechikafu pamahotera eCresta.

Pachange paine mitambo yeZumba, mushure mezvo vanhu vozovhenekwa zvirwere seHIV, BP, shuga nekutariswa gomarara remuzamu.

MuHarare, chirongwa ichi chichaitirwa kuOld Hararians Sports Club, kwaMutare paManicaland Motoring Club kuchizoti kuKariba paNyamhunga Primary School uye kuBulawayo paCoghlan Primary School.

Mukushi wemashoko kuZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vanoti chirongwa ichi chiripo kushambadza mashoko pamusoro pegomarara.

“Zvirwere zvegomarara zviri kukonzera ndufu munyika, ndicho chikonzero kambani yeZimpapers yakasainirana chibvumirano chemushandirapamwe nesangano reIsland Hospice kuti vanhu vawaniswe ruzivo kuburikidza nemapepanhau, maredhiyo neterevhizheni,” vanodaro.

Vanoti ongororo yakaitwa inoratidza kuti chirwere chegomarara idambudziko guru kuvarume, madzimai nevana.

Kune zvirwere zvegomarara remuura, duriro revarume, mazamu, chibereko, Karposi sarcoma nedzimwe mhando idzo vanhu vazhinji vava kuziva kuburikidza nekuwaniswa dzidziso.

Dingindira regore rino rinoti, “Ndinodada Nezvandiri”

Muzvare Tonhodzayi vanokurudzira veruzhinji kuti vatore matanho ekurwisa zvirwere zvegomarara kuburikidza nechirongwa chekufamba ichi uye miripo inobviswa inotangira pa$40 pachirongwa chekufamba ne$100 pachirongwa chekumhanya.

Vanhu vachawaniswa zvekare mabhandana erudzi rwepink mushure mekubvisa muripo we$20 uye mari yose ichawanikwa ichaendeswa kusangano reIsland Hospice and Healthcare kuti ibatsire varwere vegomarara.

Vatsigiri vechirongwa ichi vanosanganisira Chinese Embassy, Medirite Healthcare, Fusertech, B&P, Procurement Regulatory Authority of Zimbabwe, Premier Services Medical Aid Society, Ekhaya Travel, Econet Wireless, TinMac Motors, Manicaland Motoring Club, Manica Boards and Doors, Tanganda, National Aids Council, Checkup Health, Cresta Hotels, Ace Ambulance, Ambulance Care and Evacution, Bantuart, Zorro, Zambezi River Authority, Lake Harvest, Agribank, Choppies, Audio Connect , Kariba Municipality neDevine Pharmacy.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *