Zimpapers younganidza rubatsiro rweCovid-19

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers, yakaparura chirongwa chekuunganidza mari yekubatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Chirongwa ichi chichaona vashandi vose veZimpapers vachikurudzira veruzhinji kuti vatsigire zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere ichi kuburikidza nekupakura ruzivo, shambadzo mumapepanhau, padandemutande, paterevhizheni nepanhepfenyuro.

Kubvira mumwedzi waKurume gore rino, kambani iyi iri kupa zvidzidzo maringe neCovid-19.

Vachabatsirikana kubva kurutsigiro urwu vanosanganisira vashandi vari kubatsira varwere vane Covid-19, vanhu vakwegura, vakaremara mitezo, vana vanotambura nezvimwe zvikwata zvevanhu zvinenge zvaonekwa kuti zvakakodzera kuyamurwa.

Chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti kambani yavo yakazvipira kubatsira mukurwiswa kupararira kweCovid-19.

“Kuburikidza nekambeni yedu, tiri kukurudzira zvizvarwa zvose zveZimbabwe kuti zvibatane pamwechete mukurwisa Covid-19. Hakuna michina yekuvheneka chirwere ichi yakakwana uye zvekushandisa mukudzivirira (Pesronal Protective Equipment (PPE) kune vanofanira kunge vachizvishandisa.

“Kune nyaya dzinorwadza dzemhuri dziri kutambura kuwana chikafu chinovararamisa.

Zvekare, munguva ino yechando dzimwe mhuri hadzina zvinoita kuti dzinge dzichidziirwa semagumbeze. Kupindwa nechando uye kukosora zvinhu zvava pedyo nesu nekudaro vanhu vachange vachida mishonga yechikosoro saka zvishoma zvatinopa zvinogona kusandura upenyu hwemumwe munhu,” vanodaro.

Vanotsanangura pamusoro pemamwe mabasa makuru akaitwa neZimpapers apo yakakwanisa kuunganidzwa zvinodiwa sechikafu nembatya zvakabatsira vanhu vakasangana nedambudziko remvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai nguva yadarika uye varwere vegomarara pasi pechirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk.

Vangada kunzwa zvizere nezvechirongwa ichi vanobata mukushi wemashoko wekambani yeZimpapers padandemutande rinoti [email protected] kana kuchaya nhare kuHerald House iri muHarare panhamba dzinoti 04-708296-9 Ext 1621.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *