Kingstone Mapupu
MASVIKIRO nen’anga vekuHurungwe, kuMashonaland West, vari kuronga kuita mutambo webira rekutsvaga mazano kubva kumidzimu nemhondoro pamusoro penyaya yekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho pachivanhu chavari kuti “divauriti” kana “mututahuni”.
Pasi rose, hakusati kwava nemushonga unorapa Covid-19 kunze kweinonyaradza marwadzo.
Mambo Chundu VaAbel Mbasera, avo vanovazve Senator wedunhu reMashonaland West mudare reSenate, vanoti zvakakosha kuti semadzimambo, vabvunzire kumidzimu yavo nemachiremba echivanhu pamusoro peCovid-19.
Mambo Chundu vari kushanda nemumwe wavo, Mambo Ngezi VaPeter Pasipamire, avowo vanovazve Senator mudunhu reMashonaland West vachibva kuMhondoro-Ngezi.
“Hatigone kuramba takanyarara semadzimambo nekuda kweCovid-19. Tasvika padanho rekuti timbobvunza vari pasi — masvikiro nemhondoro dzedu — vatiudze kuti danho ringatorwe nderipi nekuti ndivo vane simba rekutisvitsira zvichemo zvedu kuna Musikavanhu.
“Saka taronga kuita bira kuHurungwe uye takatowirirana naMambo Ngezi vekuMhondoro,” vanodaro Mambo Chundu.
Vanoti ndivo vari kutungamirira hurongwa hwebira iri uye vakatonyora tsamba yavakaendesa kuna mudzviti wedunhu reHurungwe.
“Hakuna chinhu chinokunda kutevedza chivanhu, isu takagara pasi semadzimambo anokwana mapfumbamwe emuHurungwe nemasadunhu edu ndokuwirirana kuti kunoda kuitwa bira rekubvunza vadzimu nemasvikiro kuti tinokunda sei denda iri.
“Takatowirirana zvekuti tatova padanho repamusoro kuti kuitwe mutambo wemhando iyi, tsamba yedu yatova muhofisi mamudzviti VaTizora. Pabira iri pachava nevamiriri veHurumende nevezveutano nemamwe madzimambo.”
Mambo Chundu vanoti vari pahurongwa hwekuunganidza mari yekushandisa mubasa iri.
Vopindura mubvunzo wekuti vanoungana sei apo Hurumende nemapoka autano vari kukurudzira kuti veruzhinji vasaungane, mambo ava vanoti, “Bira iri hariwande vanhu, kuchangova nemadzimambo edu mapfumbamwe nemasadunhu edu 3, vobva vaita 12 kusanganisirawo masvikiro nen’anga uye vamiriri vezveutano. Ipapo panowanikwa chinobuda chete, ndizvo zvatinoita pachivanhu.
“Nyaya dze”social distancing” dzichatevedzwawo pachiitwa zvose zvinokurudzirwa pakurwisa Covid-19.”
Mambo Chundu vanoti kare denda raiti rikauya — ringava remhezi kana hudyi muminda — kwaibvunzwa vadzimu zvinhu zvichigadzikana.
Vanoti vakawirirana kuita izvi nemamwe madzimambo eko anoti Mujinga, Chanetsa, Nematombo, Dendera, Nyamhunga, Mudzimu, Dandahwa, Kazangarare nemasadunhu matatu — Shumbayawonda, Matawu naMuzilawembi.
“Kune machembere akasarudzwa achabika doro musango kusvikira ratambwa,” vanodaro.
Bira iri rinonzi richaitirwa kwaMoi, pasi paMambo Kazangarare inova nzvimbo inoteurirwa midzimu yedunhu iri.




