‘Zimsec sandurai mamakiro enyu’

Whinsley Masara uyo akange ari kuNyanga
KANZURU yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) iri kukurudzirwa kuti ivandudze mamakiro (grading system) ainoita zvidzidzo zvemabasa emawoko nedonzvo rekubatsira vana vanonetseka nezvemabhuku asi vaine zvipo zvemabasa emawoko.

Vanoita tsvakiridzo kubazi redzidzo yepamusoro nekusimudzirwa kwesainzi vanoti Zimsec inofanira kupa mamakisi akawanda kubasa rinoitwa nevana remawoko pane zamanishoni rekungonyora chete kuitira kuti maU anowanikwa nevamwe vane zvipo zvemabasa emawoko aya ave maA.

Izvi zvakataurwa nanamazvikokota vedzidzo pamusangano wakaitwa kuNyanga nguva pfupi yadarika.

“Ongororo yakaitwa yezvimwe zvidzidzo zvakadai seComputer Studies, Food and Nutrition neFashion and Fabrics inoratidza kuti vadzidzi vakawanda vanopasa bvunzo yemabasa emawoko asi vazofoira yekungonyora chete (summative examinations).

“Havasi kukwanisa kuenda padanho riri mberi redzidzo nekuda kwekuti vanenge vatadza kuratidza zvavakange vadzidza kuburikidza nekunyora mubvunzo. Mabasa emawoko anoitwa nevadzidzi ane chikamu chidiki-diki chaanobatsira pabvunzo dzeO-Level,” anodaro mumwe wevatauri vaive pamusangano uyu.

Mumwe anoita zvetsvakiridzo wekuMutare Polytechnic, Mai Chido Bvumisani, vanoti Zimsec haikoshesi zvinoitwa nevadzidzi zuva nezuva.

Vanoti pane umboo hunoratidza kuti vana vanogona mabasa emawoko vanosangana nematambudziko kana vachiita zvidzidzo zvinongoda kuti vanyore nekuverenga mabhuku chete.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×