Tinoda kuita makoreji nyika yose – Murwira

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti ine chishuwo chekuti kumatunhu ose enyika kuve nemakoreji anodzidzisa varairidzi nedonzvo rekupa mukana kune vanoda kuita kosi yehudzidzisi.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reSenate.

Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri weMatabeleland North mudare iri, Senator Hebert Madolo Sinampande.

Sen Sinampande vaida kuziva mutemo weHurumende maererano nezvikoro zvepamusoro semakoreji anodzidzisa varairidzi.

“Mutemo weHurumende unoti kudii nezvikoro zvakaita semakoreji evarairidzi kumapurovhinzi uko anenge asiko? Pane zvamuri kuita kana kuti muri kuvaka makoreji here kuitira vadzidzi vanenge vachida kuzove varairidzi kumapurovhinzi kusina makoreji ematicha?” vanobvunza.

Prof Murwira vanoti chishuwo cheHurumende ndechekuti matunhu ose, kana zvichikwanisika, ave nemakoreji evarairidzi.

“Chishuwo chedu pamwe nemutemo kuti tive nemakoreji evarairidzi mumapurovhinzi ose zvichienderana nekuvepo kwemari nezvimwe zvekushandisa mukuvaka. Chiono chedu chakatokura. Tiri kuti vanenge vapedza dzidzo yepamusoro vanokwanisa kunge vachienda kunosevenza kune dzimwe nyika, nyika ichiwana mari. Zvazvinoreva ndezvekuti tinoda makoreji nemayunivhesiti akawanda uye toita kuti ave nezvekushandisa mufundo zvinokwanirana,” vanodaro.

Vanoti nguva yadarika, bazi ravo rakaita musangano wekusimudzira zvivakwa zvekumayunivhesiti nemakoreji nemapoka akasiyana.

“Ichi ndicho chikonzero musi wa9 Kurume 2018 takaita musangano wezvivakwa, weInfrastructure Development Conference, uyo vanhu vaitaura pagungano iri ndeavo vakatonyora zvibvumiramo (MOUs) zvekuvaka mayunivhesiti nemakoreji vachizviita nemazvo uye nechido.

“Saka nemutemo wakadai, tinoda kusvika kumativi mana ose eZimbabwe nezvivakwa zvinokwikwidza pasi rose. Hazvingakwanisike kuitika nezuva rimwe, asi tinorarama nechiono uye chiono ichi chikuru kwazvo,” vanodaro Prof Murwira.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×