Ziva: BADZA

Unozviziva here kuti kare mari isati yauya, vanhu vairoora nemapadza, nembudzi nemombe? Vamwe vairoorawo nembeva chaidzo. Asi mapadza aive akakosha nekuti ndiwo aishandiswa pakurima, kuchera mbeva, makurwe, midzi, mbambaira nezvimwewo.

Mapadza aisawanikwa nyore sazvino, paitova nebasa guru rekunyungudutsa mhangura kuti vawane simbi dzekugadzirisa mapadza. Aigadzirwa nevapfuri kana kuti mhizha. Mapadza aivewo zvakare mari yenguva yakare nekuda kwekuti aisanetsa kutakura kana kuchengeta, zvakarewo asingapfukutwe. Kana badza richinge rapera nekushandiswa, raiendwa naro kuna mhizha ogadzira mapfumo kana mapakatwa.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×