MUUPENYU hwavo, vanhu vechiChaina vanoshandisa chikara chinonzi dragon kutsanangura vanhu vanogonesesa, vane hunyanzvi nesimba.
Zvakangofanana nesu muno muZimbabwe patinoti munhu ishumba pabasa, tichireva kuti haazezi basa, uye anoshanda nesimba. Mutsika dzechiChaina, vanhu vane nungo, vasingabatsire vanoshorwa uye vachifananidzwa netupukanana twusina simba uye twunoparadza twakaita semakonye kana zvikukwa.
Tsumo zhinji nemadimikira echiChaina anoshandisa chikara cherudzi rwedragon. Semuenzaniso, “Kana Zhou akura anofunga kuti achave dragon.”
Zvichireva kuti kana Zhou akura anofunga kuti achave munhu anoremekedzwa nekutyiwa nevanhu.




