KANA gore roda kupera tinopedzisira nekurongedza zvidzidziswa munhava yedu kuitira kuti kana toenda mberi tinowana mbuva iyo tinozorarama nayo mune ramangwana redu, chero toenda kuzvikoro zvepamusoro. Nhava yedu haingomiriri ramangwana remuzvikoro chete, asi kuti chero muupenyu hwatichararama maererano nechiShona chamandorokwati.
Tsvagurudzo yatakaita yakaburitsa pachena kuti nyaya yenhamba idambudziko kuvana vechikoro, chero nevanhu vakuru. Naizvozvo ndakaona zvakakodzera kuti tikande kachimedu kenhamba munhava medu.
Paya panonyorwa rondedzero navana hapazobuda zvakanaka nekuti nhamba dzinenge dzangomedzwa zvouraya zvinenge zvichida kutaurwa.
Angava makore “mazana mana nembiri”. Chekutanga uyu munhu haazive kuti iro zana rakakura sei. Chechipiri haazive sungawirirano kunhamba sekuti “mazana mana nemaviri” kwete kuti “mazana mana nembiri”.
Vanokwenya mapepa ebvunzo dzevana vanochema-chema nedambudziko irori, renhamba.
Chikamu chino tinoda kutarisa nhamba timbodzitsenga-tsenga tione kuti hadzimedzeke here.
Kubva paposhi kusvika pagumi hapanetse nekuti pakajeka.
Dambudziko rinouya kana toenda mberi kubvira pagumi neimwe. Vana vangagone kuverenga kuti gumi neimwe asi dambudziko rinouya paya panodiwa kutaura zvamakore kana zvibage. Havagoni kuzonyora zvine sungawirirano sekuti makore gumi nerimwe.
Vanonyora vachiti makore gumi neimwe kana kuti zvibage gumi neimwe.
ChiShona chamandorokwati chinoti zvibage gumi nechimwe.
Zvinobvira mukutotadza kubvunza chaiko nokuti unonzwa munhu achiti “wauya nechingwa chingani?” Zvemazvirokwazvo ndezvekuti “wauya nezvingwa zvingani? Munhu opindura zvine sungawirirano kuti “Ndauya nezvingwa makumi maviri ane zvitanhatu (26).
Iko kuverenga nhamba chaiko tinododomesa kana ari masvomhu kusvika kumamiriyoni nekuraudzira muchiRungu asi kuchiShona vazhinji kusvika kuzana havagoni. Hatingatevedzi hedu dzose kubva kuposhi kusvika kuzana asi ndinoda kunhonga shoma dzainyanyotadzwa mutsvagurudzo yatakaita.
(19) inodaidzwa kuti gumi nepfumbamwe kana kuti gumi nepfumbwe. Zvoreva kuti kana ari makore tinoti gumi nemapfumbamwe. Kana zviri zvikoro toti gumi nezvipfumbwe.
Pana (44) tinogona kuti makumi mana nena kana kuti makumi mana neina. Kana yava misha tinoti makumi mashanu nemishanu (55).
(66) inonzi makumi matanhatu nenhanhatu. Kana zvava zvigaro zvonzi zvigaro makumi matanhatu nezvitanhatu. Kana ari makore ekuberekwa onzi makumi matanhatu nematanhatu.
(78) inonzi makumi manomwe nesere kana makumi manomwe netsere. Zvikoro makumi manomwe nezvisere. (88) ndiyo makumi masere nesere kana netsere kana kuti nezvisere. Tinoti vakasunga zvimwanda zvehuswa makumi masere nezvisere.
(99) inonzi makumi mapfumbamwe nepfumbamwe. Masaga echibage anoverengwa achinzi masaga makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, ndizvo zvimwe chete nemakore ekuberekwa.
Kana tava pa(100) tava kuti zana. Kana yava 500 ava mazana mashanu. Patinenge tasvika ku(1 000) zvoreva kuti tasvika pachiuru. Zvinobva zvareva kuti kana tasvika pa(1 500) tinenge tabata chiuru chimwe chete nemazana mashanu.
Zviuru zvinokwana chiuru zvinotipa miriyoni imwe chete (1 000 000).
Ndatora mienzaniso mishoma asi ndinovimba kuti zvinogona kutirerutsira murondedzero apo tinosangana nedzimwe nhambo pachidiwa kuti tinyore nhamba.




