Ziva: CHITUNDU

Svondo rakapera takati bhasikiti rinowanikwa kuChipinge rinonzi chitunde, asi kwete chitundu. Chitundu ibhasikiti, kana kuti tswanda yaitakurirwa mishonga nen’anga kana kuitiswa mamwewo mabasa akasiyana-siyana.

Pazita rekuti chitundu, panogona kuve ndipo pakabva zita rekuti chitundumuseremusere.

Asika, zita rekuti chitundu rinorevawo midziyo yakaiswa pamwe chete sebutwa. Izwi iri ririkowo zvakare kumutauro wechiChewa, “katundu.”

Mumutauro wechiKalanga dengu rinonzi “itundu” uye muchiVhenda tswanda vachiiti, “tshirundu.”

Izvi zvinoita kuti tikumbire vaverengi kuti vatiudzewo kuti zita renzvimbo yeChirundu rinorevei.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×