VANHU vanodarika 22 000 vakafa nekuda kwechirwere chegomarara pakati pagore ra2012 na2015. Izvi zvakabuda muongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nguva yadarika.
Zvisinei, huwandu hwevanhu vakafa nekuda kwechirwere ichi hunogona kunge hwakadarika apa nekuda kwekuti kune vamwe vari kutambudzwa negomarara asi vachifira mudzimba, zvikuru kumaruwa nekuda kwekushaya mari kana rubatsiro rwekurapwa izvo zvinoita kuti ndufu idzi dzinge dzisingazivikanwe.
Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Aldrin Musiiwa, vanoti huwandu hwevarwere vegomarara huri kuramba huchikwira.
Zvakabuda zvakare muongororo iyi kuti mugore ra2012 vanhu vanodarika 5 499 vakafa nekuda kwegomarara reKaposi Sarcoma. Mhando yegomarara iri inobata muchibereko, dundiro revarume (prostate), nemumazamu.
Zvakadaro, ongororo yakaitwa nesangano reNational Cancer Registry inoratidza kuti vanhu 22 500 vakafa muna 2012 nekuda kwechirwere chegomarara munyika yose apo 15 000 vavo vaive vemuHarare bedzi.
Dr Musiiwa vanoti: “Zimbabwe iri kuramba iri kumashure munyaya dzekurwisa zvirwere zvegomarara nekuda kwekushaikwa kwezvekushandisa, vashandi pamwe nerutsigiro rwemari. Zvipatara zviri kurapa gomarara pari zvino zviri muHarare neBulawayo.
“Kushaikwa kwevashandi vakafundira basa iri uye nezvekushandisa ndiko kuri kuita kuti varwere vanonoke kurapwa nenguva. Varwere vari kutora nguva refu vakamirira kuvhenekwa, kupiswa kana kuvhiiya rinova dambudziko guru rakatarisana nenyika ino.”
Vanoti bazi ravo rine zvirongwa zvariri kuita mukurwisa gomarara sekuvhenekwa kwegomarara remuchibereko nenzira yeVisual Inspection With Acetic Acid (Viac) pamwe nekubaiwa kwemajekiseni eHuman Papilloma Virus ekudzivirira chirwere ichi.




