— Ziva —NYORA

Uku kuchekwa kweganda, kazhinji nen’anga kuti munhu aiswe mushonga mumuviri wake. Nyora hadzichanyanyochekwa mazuva ano nekuti vanhu havachanyanyoenda kun’anga. Kwaivewo nenyora dzaichekwa dzakanangana nekuwedzera runako kana rimwewo basa remumba yemukati.

Dzimwe nyora dzinokura zvekutoita semaronda uye nekuda kwezvirwere, mazuva ano hazvichangokurudzirwa kutemwa (kuchekwa) nyora.

Nekuda kwekuti nyora dzinosiya mavanga padzinenge dzachekwa, ndipo pakabva zita ratinoshandisa nhasi rekunyora nechinyoreso.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *