GRADE 7: Zvirungamutauro nerondedzero

Ticha Danga
NDAONA zvakakodzera kuti tisati tadzidzisana pamusoro pemanyorerwo erondedzero dzine udzamu, tinoda kutanga tadzidzisana nezvemhando dzezvirungamutauro dzatingashandise mukuedza kunyora chiShona chamandorokwati.

Ndinoda tiyambirane kuti mukushandisa zvirungamutauro izvi tinofanirwa kumimina kuti titore zvirungamutauro zvakafanira kwete kungokanda pose-pose zvisina maturo. Mazai chaiwo akanaka uye anovaka muviri asi akawanda zvisina mwero unopedzisira worwara nawo. Zvinoda mwero wakafanira.

Chirunga mutauro chekutanga chandinoda kunanganidza chipauro.

Zvipauro zvakanaka nekuti zvinobatsira muverengi kuti aite chiumbwa kana kuita mufananidzo mupfungwa dzake. Zvipauro zvinotaura mamiriro chaiwo akaita chinhu.

Kana munhu achinyora achitsanangura rume guru anogona kushandisa zvipauro zvinoti “rume refu, dete, pfupi” zvichingodaro kuti zviburitse mamiriro chaiwo.

Iroro rume dema refu rine zitsoka zipamhi rinofanira kubuda mupfungwa dzeari kuverenga nyaya.

Kana dziri nyaudzosingwi ndipo unofanira kubuda shavi rekutsanangudza nekuti nyaudzosingwi dzinowedzera ruomba muchinyorwa. Kana tichida kutsanangudza mapuno kana mhiripiri tinoti kutsvuka kuti piriviri. Tikangonyora kutsvuka tisina kuisa nyaudzosingwi inoratidza matsvukiro acho hapana zvatinenge taita.

Vakomana kana kuti vafudzi vemombe vanosangana nezvakasiyana mumasango nekudaro kana totaura kuti zvinakidze totoda nyaudzosingwi dzinopesvedzera. Kana shasha yarumwa nemago ikadonha mumuti kuti zvinakidze tinoti, “Murombo akanzi ndure nemagomombe paziso ndokuti pasi puu ruwoko rwakati pwaka kutyoka kwava kuti mhere kwetsu”.

Muverengi anobva atoona chose mufananidzo waMurombo achipinzwa patsaona nemagomombe.

Kana pachidiwa mutsindo muchinyorwa pfekera nyaudzosingwi dzakakodzera ugonzwa kutapira. Kana tichida kuburitsa kudyiwa kwakaitwa munda wamai Vheronika neshiri ndipo patinoti, “Zaza reshiri rakakotonoka nechemabvazuva ndiye zivha mumunda maamai Vheronika ndokuti sikasika nemapfunde ese zvekusara munda wati tsvai, dhunduru rese rakati hwaa kupera wanike ivo vangoti kanha nazvo maziso achingonzi bwai bwai.”

Tinoshandisa zvakare tsumo muzvinyorwa zvedu kuti zvidzame. Tsumo imhando yezvirungamutauro inoyambira kana kudzidzisa vanhu. Tsumo ndiwo watingati musimboti werondedzero.

Tinogona kutotanga rondedzero netsumo sekuti, “Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye”. Izvi zvinoratidza kuti hakuna chakanaka chakabuda kumunyori. Anofanirwa kunge akapindana nedambudziko rakaoma zvikuru.

Tinogona kuzokanda tsumo pano neapo murondedzero dzedu asi kana wakagona kupa mhedziso yerondedzero netsumo unonge watobaya dede nomukanwa.

Unogona kupedzisa rondedzero yako uchiti, “Chokwadi vakuru vakareva pavakati kangoma karirisi ndiko kaparuki.” Zvinoratidza kumuverengi kuti kumagumo kwemafaro aiitwa pakazoita njodzi.

Mukunyora zvinyorwa tikasiya madimikira tinenge tisati tatanga. Kudimikira kutaura kuri pachivande asi kuchiburitsa hudzamu hwechiShona chamandorokwati. Ukanzi une muchutyu zvinoreva kuti hauna kugadzikana kana kudzikama.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×