Zivai nezvechirwere cheshuga: who

MUKURU wesangano rezveutano pasi rose reWorld Health Organisation, Dr Matshidiso Moeti, anoti zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo pamusoro pekudya kwakanaka kunoderedza mukana wekubatwa nezvirwere zvakaita secheshuga.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pakucherechedzwa kwezuva rekurwisa chirwere cheshuga, reWorld Diabetes Day.

Zuva iri rinocherechedzwa gore negore musi wa14 Mbudzi.

“Tinobatana neveruzhinji mukucherechedza zuva rine dingindira rinoti, ‘Kurarama kune utano nechirwere cheshuga’ iri. Dingindira iri rinotipa yeuchidzo yekuti ticherechedze chikafu chatinodya kuti tinge tichirwisa kubata mhando yechirwere cheshuga yeDiabetes Type 2 inova inonetsa kurapa nekuti inenge yadzama kana kuti kukomba. “Vanhu vane chirwere cheshuga vanoita dambudziko rekukundikana kuita mitambo inosimbisa miviri,” vanodaro Dr Moeti.

Pasi rose, chikamu che90% chevanhu vane Diabetes Type 2 vari munyika dzichiri kusimukira. MuAfrica, huwandu uhwu huri kuramba kuchiwedzera rinova dambudziko guru kuhurumende.

“Chirwere ichi chinogona kukomba zvekusvika pakuremadza munhu kana kuzvara vana vanenge vasina kunyatsosvika. Pamusoro peizvi, chinogona kukonzera kurasikirwa nemeso, kusashanda kweitsvo, kurasika kwenjere kana kurasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Dr Moeti vanoti chirwere ichi chinogona kusava nezviratidzo zvinooneka nokudaro zvakakosha kuti vanhu vakurumidze kunovhenekwa nguva ichiripo kuitira kuti vakasike kurapwa chisati chadzika midzi. Vakakurudzira veruzhinji kuti vaite mitambo inoderedza huremu hwavo, vachitora kudya kunovaka muviri pamwe nekuregedza kuputa fodya uye kunwa doro zveupenyu hwose senzira yekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Dr Moeti vanoti mapazi ezveutano anofanirwa kutsigirwa nemari kuitira kuti muzvipatara munge muine michina yakakwana yekuvheneka chirwere cheshuga pamwe nemishonga yacho.

Zvimwe zvezviratidzo zvechirwere cheshuga zvinosanganisira kurasa mvura apo neapo, kunyanya kuoma mukanwa kana kuti kunzwa nyota, kunzwa nzara pose pose, kupera simba, kuderera kwehuremu, kusaona zvakanaka nekurwadziwa pasi petsoka nemumawoko.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×