Zodwa oroora murume‘. . . ndini ndinobvisa mari yacho’

MUKADZI ane mbiri yekutamba wekunyika yeSouth Africa, Zodwa Wabantu (33), anoti achabvisa mari yeroora kumhuri yemukomana wake, Ntobeko Linda (24), uyo waakapfimba.

Izvi zvinotevera chibvumirano chevaviri ava kuti varoorane.

Pachivanhu, murume ndiye anobvisira mukadzi roora uye mudzimai ozoshevedzwa nezita rekumurume wake.

Bepanhau reDaily Sun rekuSouth Africa rakabvunza Zodwa kuti mukomana wake — uyo anoshevedzwa nezita remadunhurirwa rekuti Ben 10 sezvo ari mudiki kwaari nemakore gumi — achasandura zita (surname) rake here achitora rake.

“Ben 10 wako achasandura zita rake here achitora rako?” anobvunzwa Zodwa.“Ichokwadi ichocho,” anodaro Zodwa pasina kana kundandama.

“Takataura nezvazvo uye takawirirana.”

Zodwa anoti vamwe vanhu vanogona kutanga kuvataurira zvetsika nemagariro echivanhu.

“Zvose zvetsika nemagariro hazvinei neupenyu hwedu. Takanga tisipo vanhu vakuru pavakatanga kutevedza tsika dzacho saka tinoita zvinhu zvedu kuburikidza nemuonero wedu,” anodaro Zodwa.

Anoenderera mberi: “Takatosiyana saka tinofanira kuita zvinhu zvine musiyano. Kune vamwe vanhu vasingafarire zvinhu zvatinoita asi hatina hanya nazvo.

“Ndinofarira vatsigiri mubasa rangu asi havana chekuita neupenyu hwangu hwakavandika.”

Zodwa nemukomana wake vava nemakore anodarika mana vachidanana.

Mifananidzo yaZodwa achipfimba Ntobeko yakapararira semoto wesango padandemutande zvikamutsa mutauro kuSouth Africa nekune dzimwe nyika apo vamwe vanhu vaizvishora asi vamwe vachizvitsigira.

Vamwe ndivo vaishora kuti zvingaita here kuti murume apihwe zita remudzimai mushure mewanano.

Nthabe Angel Mafalo anoti, “Handisati ndakambonzwa zvinhu zvakadaro.”

Muzvare Jones vanotiwo: “Mudzimai anogona kupfimba hake murume asika anofanira kupihwa surname yemurume wake.”

Lesiba Leshilo anoti zvinoitika kune dzimwe nyika zvekuti murume anopihwa zita remudzimai waaroora.

“Vamwe varume vekune dzimwe nyika vanoita izvi kuti vawane magwaro ekunzi zvizvarwa zvenyika dzevakadzi vavanenge varoora. Kana kuri kuvarume vemuSouth Africa, tinoti uku ndiko kupenga kwekupedzisira.” anodaro.

Mgcini KaMazana anotiwo, “Izvi hazvina hunhu uye hazvigamuchirike kana takatarisa tsika nemagariro emuAfrica.” — Daily Sun 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *