Abel Ndooka
AKANGE ari makuwerere pachikoro cheNettleton Junior School, muHarare, nemusi weChishanu svondo rapera apo vana, varairidzi nevabereki vakapemberera zuva reAfrica Day.
Gore rino chikoro ichi chakaronga kuita mhemberero dzine musiyano kuburikidza nezvirongwa zvakasiyana zvakaitwa senzira yekupemberera zuva guru iri. Vachitaura pagungano iri, mukuru weNettleton Junior School, VaLeo Busvumani, vanoti zuva iri pachikoro chavo vanoripemberera gore roga-roga sezvo richivarangaridza kwakabva nyika.
“Isu seNettleton, Africa Day izuva ratinopemberera makore ose kuburikidza nekuita zvakasiyana.
“Mapfekero chaiwo, tinopfeka nhumbi dzeAfrican Attire nechikafu tichidya chaicho chinenge chiri chedu chechivanhu. Izvi tinozviitira kuti vana vedu vazive kuti tiri vanhu vemuAfrica uye vazive kwatakabva,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti gore negore pazuva reAfrica Day vana vepachikoro chavo vanoita zvirongwa zvine chakuita netsika nemagariro evanhu vemuAfrica, makwikwi ekupfeka maAfrican Attire, nhetembo uye kupinda mu“museum” yepachikoro pavo iyo ine nhoroondo yeZimbabwe neyeAfrica.
“Gore rino semamwe makore, taida kushevedza zvimwe zvikoro kuti zviuye kuzopemberera nesu, asi takazoona kuti zvikoro izvi zviri kuitawo mhemberero dzakafanana nedzedu,” vanodaro VaBusvumani.




