ZRP iri kudzoka muPSL: Tutani

Arthur Tutani
Arthur Tutani

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weZimbabwe Republic Police Football Club, iyo iri muligi reNorthern Region Division One, Arthur Tutani, anoti ari kushanda nesimba kuti adzose chikwata chake muPremier Soccer League zvichitevera kugadzwa kwaakaitwa pachigaro chinopisa nguva ichangodarika.Tutani ane mukurumbira wekusimudzira zvikwata zvakasiyana kubva kuDivision One kuenda kuPSL.
Akamborairidza zvikwata zvinoti Sporting Lions, Monomotapa, Mwana Africa neBlack Rhinos izvo zvaakabatsira kupinza muPSL zvichibva kuDivision One.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Tutani akati akatarisana nendima yakaomarara mwaka uno.
“Gore rino ndine basa guru rekubata nekuti ndinofanirwa kudzosa ZRP FC muPSL.

“Ini hangu ndoda kushanda nechikwata changu kwemakore matatu ndichichivaka asi nguva yacho hapana, chiri kutofanirwa kudzokera muligi mwaka unotevera.

“Chikwata ichi chinozovikanwa chichitambira muPSl saka toda kuchidzorera imomo,” akadaro Tutani.
Kunyangwe hake achiti chikwata chake chichirwa semvumba, Tutani anoti zvichange zvakavaomera sezvo kuNorthern Region kuine zvikwata zvakawanda zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura uye zviri kurwirawo kupinda muPSL.

“Nhabvu yekuDivision One iye zvino yakaoma, zvikwata zvakawanda zviri kutenga vatambi vepamusoro uye zvinenge zvichirwira kudzoka muligi.

“Kwave kutambwa nhabvu inofadza inoyevedza kuDivision One,” akadaro Tutani.
Tutani anoti anoyemura zvikuru mafambiro ari kuita ligi iri izvo zviri kubatsira kukwezva vakotsveri vane chitsama.

“Mitambo yemikombe iri kurongwa muligi redu yakakosha zvakanyanya uye zvinorakidza kuti riri kufamba mugwara chairo.
“Pachokwadi chaipo kwedu kuDivision One kuri kutambwa nhabvu inofadza izvo zvave kuonekwa nekuuya kwemakambani akawanda ayo ari kuronga mitambo yakasiyana,” akadaro Tutani.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×