ZUSA yotumira vatambi kuKorea

MUTUNGAMIRI weZimbabwe University Sports Association (ZUSA), Liberty Maidza, anoti sangano ravo riri mushishi kuita gadziriro dzekuumba chikwata chichaenda kumakwikwi eWorld Universities Student Games ayo achaitirwa kunyika yeKorea muna Chikunguru.

ZUSA iri kuita gadziriro idzi kuburikidza nemitambo yeZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union Games (ZITISU) svondo rino kusvika musi weMugovera apo mimwe yacho iri kutambirwa paHarare Polytechnic neBelvedere Teachers College.

Mitambo iyi inotambwa nezvikwata zvinobva kuZUSA, Technical Education Sports Association of Zimbabwe (TESAZ) pamwe neZimbabwe Teachers Colleges Sports Association.

ZUSA iri kutarisirwa kutumira chikwata chayo kuKorea icho chichanokwikwidza mumitambo inoti volleyball yemadzimai, kumhanya, tenisi negorofu.

Maidza anoti chikwata chavo chiri kugadzirira zvakasimba chakatarisana nemitambo iyi yeWorld Universities Student Games iyo ichatambirwa kuKorea kutanga musi wa3 Chikunguru ichizopera musi wa17.

“Mitambo yeZITISU iyi iri kutibatsira zvikuru kuita gadziriro dzedu apo takatarisana nekutumira chikwata chedu kuKorea.

“Tiri kuda chaizvo kunohwina nekuti mumakore adarika chikwata chedu change chiri kutamba zvakanaka kumitambo iyi saka tinoona sekunge gore rino tichabva takabatawo menduru dzakawanda,” akadaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×