Zvaisava nyore: vanyori

Muchaneta Chimuka
VANYORI vemabhuku nenhetembo vanoti zvaisava nyore kuita basa ravo, zvikuru kunyora pamusoro pezvematongerwo enyika, munguva yehutongi hwehudzvanyiriri hwemabhunu. Munyori ane mukurumbira, Aaron Chiundura-Moyo, anoti yaive mhosva huru kunyora pamusoro pezvematongerwo enyika apo Zimbabwe yainge isati yasununguka.

Kusvika pari zvino, Chiundura-Moyo anyora mabhuku anodarika 15 uye akamboita zvemadhirama mumitambo inotepfenyurwa paterevhizheni yeZBC TV akadai saZviri Mudendere nemamwe.

“Mushure mekunge Zimbabwe yabuda muhutongi hwevadzvanyiriri ndakakwanisa kudhindisa mabhuku angu aive pamusoro pezvinhu zvaiitika munguva yehondo zvaifadza nezvaisuwisa. Munguva yehutongi hwaIan Smith vanhu vaitosungwa zvekuti mabhuku erudzi urwu aisatenderwa.
“Mamwe emabhuku andakanyora anosanganisira Yaive Hondo apo ndaitsanangura nyaya yemumwe murume akasiya mhuri yake achienda kunorwa hondo kunze kwenyika achisiya mudzimai wake uyo akasara achinetseka,” anodaro Chiundura-Moyo.

Nyanzvi iyi yakanyora zvakare rimwe bhuku rinonzi Nguwodzeuswa ito riri kunyorwa pabvunzo dzeForm 6 dzeZimbabwe School Examinations Council riri pamusoro pehondo yeChimurenga.

Mumwezve munyori wemabhuku ane mukurumbira, Ignatius Mabasa, anotsinhira achiti zvakange zvisiri nyore kunyora mabhuku munguva yehutongi hwemabhunu.

“Munguva yehondo, yaive hondo chaiyo kunesu vanyori kuti tiburitse zvataiona maringe nekudzvanyirirwa kwaiitwa vanhu vatema nevachena. Semunyori waitozama kunyora neimwe nzira isingazoite kuti nyaya inge ichibuda pachena kuti izvi ndizvo zvaunoda kutaura. Ndokusaka maiona kwaibuda mamwe mabhuku akadai saFeso nanaMutsvairo, vavariro yaive yekuda kunzvenga chokwadi asi chichibuda chakaita sekunge dimikira kana kuti nyaudzosingwi,” anodaro Mabasa.

Anoti mushure mekuwana rusununguko, vanyori ndipo pavakazowana mikana yekunyora mabhuku akawanda pasina kutya.
“Tinofara nerusununguko rwatakawana nekuti iko zvino vanyori tave kukwanisa kunyora nyaya dzine chekuita nezvinoitika sehuwori, humbavha, huroyi nezvimwe pasina munhu anosungwa nekuti tave kutambira chokwadi chemandiriri. Munguva yehondo, taitoshaya kuti tozvireva tichiti kudii nekuti zvaityisa,” vakadaro.

Rimwe remabhuku aMabasa rine chekuita nezvehondo rinonzi “Mapenzi”.
“Bhuku iri rinotaura nezvekukosha kwevarwi vehondo avo vairatidza kunzwisisa matambudziko enyika zvinova zvaiita kuti varwe vakashinga kuti nyika isununguke. Asi, nehupenzi hwevamwe vanhu vanokanganwa kumatongo, zvinoita kuti varase hunhu vachiita zvinhu zvinoshoresa nyika. Varwi vehondo vanoona hupenzi uhwu nekuti vane shungu yekuti nyika ipfuurire mberi,” anodaro.

Mabasa akanyora mamwe mabhuku anoti Ndafa Here?, Muchinokoro, Imbwa Yemunhu uye zvakare ndinyanduri wenhetembo dziri mubhuku rinonzi Tipeiwo Dariro.

Nyanzvi mukudetemba, Albert Nyathi, uyo anovazve muimbi, anoti rusununguko rweZimbabwe rwakazarura mikana yakawanda kuvaimbi, vanyori nevemadhirama.

Zvisinei, anoti dambudziko guru rakatarisana neindasitiri yavo nderekutengeswa kwemabasa avo pamisika yemikoto.
“Tiri kuchema nenyaya dzepairesi nekuti dziri kukanganisa indasitiri yevaimbi nevanyori. Kudai Hurumende yatibatsira nekuti vatengesi vemumigwagwa havabhadhare mitero zvinova zvinotisiya isu tichidonha mubhizimusi,” anodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×