Zvakabuda pao-level

ZVAKANYORWA mubvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) mumwedzi waMbudzi gore rapera zvakabuda uye zvakaendeswa kumahofisi ari kumatunhu akasiyana enyika.

Vakanyora bvunzo idzi vakatonga kutora zvakabuda kuzvikoro zvavo nemusi weChipiri svondo rino.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vanoti vadzidzi vegore rapera vakapasa kana zvichienzaniswa nevegore ra2014.

“Huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzemumwedzi waMbudzi gore rapera hwaive 310 917. Vadzidzi vakanyora zvidzidzo zvishanu kana kudarika vaive 156 418 uye 43 581 vakabuda neGrade C kana zviri nani muzvidzidzo zvishanu kana kudarika zvichibva zvatipa chikamu che27.76% chekupasa.

“Huwandu hwevadzidzi vakapasa kubva kugore ra2014 kusvika 2015 hwakawedzera nechikamu che5.48%. Vadzidzi vakanyora vakazvimiririra zvidzidzo zvishanu kana kudarika vaive 23 235 uye 2 791 vavo vakapasa neGrade C kana zviri nani chinove chikamu che12.01%,” vanodaro.

VaNhandara vanoti kanzuru yavo yakadzikisa chikero chekupasa. “Gore rino, kanove kekutanga, takatarisawo huwandu hwevadzidzi vakabura Grade E kana zviri nani.” – The Herald.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *