Ticha Danga —
NZVIMBO nenzvimbo dzinogona kuita zvakasiyana-siyana kana dziri nyaya dzerufu zvichienderana netsika dzinotevedzwa mumatunhu iwayo.
Tinoda kugara tajekesa kuti munhu akashaya kana asati avigwa anenge achinzi chitunha kana mutumbi asi kana avigwa anenge ava kunzi mushakabvu. Kazhinji tinoziva kuti munhu kana ashaya zvinotora mazuva maviri kana matatu obva atovigwa kana kuraswa. Uyu anenge ari munhu nje hake asina chinzvimbo chinoera mudunhu imomo.
Zvino kana ari mambo, hazviite kuti aziviswe kuruzhinji kuti ashaya zuva iroro. Shoko rerufu rwamambo rinogona kutora kana mwedzi chaiwo risati raburitswa.
Vatana vemufi nevamwe vemudzinde remba iyoyo yehumambo vanenge vari mushishi kutevedza tsika dzinosanganisira kuomeswa kwemutumbi. Munguva iyoyi chero vana vadiki vemumba imomo havatomboziviswe.
Ndiyo nguva zvekare inenge ichikumikidzwa mutumbi kumidzimu yake.
Panguva iyoyi zvakare, muninga maanenge achanovigwa munofanirwa kucheneswa nekushonongorwa kuti mufi agozogona kugara nevamwe vashakabvu.
Kana zvese izvi zvapera mhere, yochiridzwa hayo. Madzimambo anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi.
Zvinotevera iye zvino zvinoitwa kwakawanda kune chero mufi.
Tinopepa varwere vari muzvipatara kana mudzimba asi pane pamwe panokomba urwere zvekuti tinenge tangomirira zuva rekuti nyama nemweya zvichipesana.
Murwere uyu anenge opeperwa panzvimbo yaanovakirwa unonzi musasa. Kana zvino nyama nemweya zvapesana, kune mari inobviswa kusuma vana tezvara nezvekufa kwemwana wavo iyo inoiswa pashizha inonzi mhere.
Kana vanhu vanzwa shoko rerufu, vanokotonoka nouwandu hwavo vachienda kunobata maoko. Kubata maoko itsika yevanhu vatema apo tinokumbura vawirwa nedambudziko tichivanyaradza nemashoko. Kana tabata maoko tinobva tazadzisa nekubvisa mari inonzi yechema kubatsiridza parufu ipapo.
Mufi anounganirwa nehama neshamwari nokudaro panodiwa husavi hwakawanda. Panobva pauraiwa mombe inonzi yenhevedzo. Kune dzimwe nzvimbo panhevedzo iyoyo panobviswa nhengo yenyama inopisirwa mufi utsi huchipfungaira mudenga iyo inodaidzwa kuti pfungdaidzo.
Munhu mukuru anovigwa muguva kana kuti murinda. Vamwe vanodaidza guva kuti bwiro.
Vana vadiki vanovigwa mujinga morukova, pasi pomukute kana mutsamvi. Vamwe vanoviga vana kubani uko kune hunyoro. Kana ari mwana akazvarwa akafa kana kuti gavamwedzi anonovigwa panzvimbo ine mahapa murwizi.
Kana munhu ashaya, baba vake vanonzi vatare pachacherwa guva remwana wavo. Kakomba ikako kanotanga kucherwa nehama yemufi pachaenda guva rake kanonzi rukarwa.
Chitunha kana chichienda kunovigwa chinotakurirwa padara kana kuti pabanda.
Kana munhu ashaya vohukama vane tsika yavanoita yekutsvaga kuti chii chakadya mudikani wavo nokudaro vanoenda kun’anga kunobvunza. Mashopeshope iwaya ekutsvaga chakauraya mufi anonzi kurova gata.
Itsika yavatema yekuti havapesane nemushakabvu zvachose nekudaro kune twakawanda twaanoramba achiitirwa sekurova guva.
Kurova guva kubika hwahwa hwekudzosa mufi mumusha kuzochengeta vapenyu. Vamwewo vanobika doro rendongamahwe kana kuti doro rehonye iro rinobikirwa kunyaradza vakafirwa.
Vamwe vanoiti nyaradzo. Kana guva ragadzirwa, kunozobikwa doro regunere kana kuti renyota.




