‘Zvemukadzi uyu handichada’

Panganayi Chikukwa
Panganayi Chikukwa

MURUME ane mukadzi ari kubuda pachena achiti akamudyisa mupfuhwira waive wakasanganiswa nemadororo, chikorobho pamwe chete nechipfeko chake chemukati, anoti ichokwadi kuti akapfuhwirwa nezvinhu izvi kunyangwe zvake achiramba nyaya yekuti zvakakonzerwa nekuti aiita zvechipfambi nekushusha mukadzi.

Panganayi Chikukwa (39), uyo anoshanda sakondakita kukambani yemabhazi yeZupco akaudza Kwayedza kuti: “Pane zvinhu zvaiuya naamaiguru mukoma wemukadzi wangu achipa mukadzi wangu vachiisa mumuriwo wandaidya. Nyaya iyi yakazoburitswa nemwana wangu musikana mukuru, uyo akanotaurira hanzvadzi yangu.

“Pandakaudzwa ndakazviramba kusvikira musi weSvondo wadarika apo zvakaporofitwa kuchechi.”

Anoti mudzimai wake pakataurwa nyaya iyi kuchechi haana chaakaramba.

“Sikarudzi yangu yanga isisina basa, yava chikorobho. Asi ndakambomira kurara naye nekuti ndave kutya nekuti handizive kuti zvakapera here kwaari.

“Zvinhu izvi zvakanotorwa kumba kwedu, chokwadi mishonga iyi nemadumwa aiva netsono ina dzaiva dzakabairirwa pabhurugwa rangu zvaiva mupiro yandaigara ndichitsamira kwete zvaigara mupiro yataisashandisa. Ini ndakatya kuzvibata zvikazobatwa naiye mukadzi wangu, akanozvidzosera kun’anga,” anodaro.

Murume uyu anoramba nyaya yekuti aita zvechipfambi achiti aive nemusikana mumwe chete wekuChecheche, kuChipinge, uko aienda nebhazi. “Ndine vana nemukadzi uyu, mukuru wacho ane makore 19 nemudiki ane makore 2. Handimurambe asi ndichagara ndisingarare naye kusvika andikumbira ruregerero. Izvozvi anongogara akanyarara, pamwe kutya hamheno.

“Ini ndafunga kuroora mumwe mukadzi iye aripo. Prophet (Hungwe) ndichavataurira nekuti ndakaona vasikana vakanaka zvikuru kuchechi vachiti vanoda varume,” anodaro Chikukwa.

Anoenderera mberi achiti haasisina chokwadi kuti mukadzi wake uyu haana zvikomba.

Chikukwa anorambawo zvakare nyaya yekuti akakumbirwa ruregerero nemukadzi kana kuti aimurova nekumunyima mari.

“Ndaigara ndichida kuzviuraya, ndaiti ndikabva kubasa ndainzwa kusema mukadzi kuburikidza nemushonga wake.” Anotizve kubva musi weSvondo waakanamatirwa, hapana pachiri kumurwadza.

Dambudziko riripo anoti hanzvadzi dzake hadzichagutsikana nemuroora wavo uyu.

“Handigone kumuramba tine vava tose. Asi amai vangu nehanzvadzi dzangu havachagona kuramba vachimutambira. Chaapo ndave kuroora ‘sweet 16’ chete. Yave nguva yangu yekumurwadzisawo sezvaakandiita,” anodaro.

N’anga inonzi yakapa mudzimai uyu mushonga, Sekuru Dennis Mucheni vekuGlen View, yakataurwa nayo panhare ikati: “Ndinoshandira vanhu vakawanda saka handichaziva kuti ndeupi mukadzi wamunoreva akauya kuno. Izvozvi ndiri kuChinhoyi ndinozokufonerai kana ndadzoka titaure.”

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×