Chikumbiro chevana…‘Tinoda mabhuku ekuverenga’

Patience Matambo
Patience Matambo

VANA vechikoro kumativi mana enyika vari kuchema-chema nekushomeka kwemabhuku ekuverenga pamwe nekusavepo kwedandemutande izvo zvavanoti zviri kudzorera dzidzo yavo kumashure.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevamwe vana zvichitevera kuvharwa kwezvikoro, avo vakataura pamusoro pezvimhingamipinyi zvavanoti zvinoda kugadziriswa muzvikoro.

“Tinofara zvikuru kuti tave kuenda kuzororo rakareba, rakabatana nezororo rePasika uye dzidzo yange ichifambira mberi zvakanaka. Dambudziko ratange tichisangana naro ndere mabhuku ekuverenga ayo anova mashoma zvekuti tinotoita zvijana zvekuverenga nevamwe.

“Zvakare dandemutande (Internet) hakuna zvisinei nekuti makombiyuta akaunzwa muzvikoro kare kuti tinge tichibatsirikana mudzidzo,” anodaro Munashe Matanhire (17) anodzidza paRuya Adventist High, kuMt Darwin.

Mashoko ake akatsinhirwa naPatience Matambo (16) achiti vadzidzi vakawanda vanoda zvikuru kunge vachifambirana neruzivo rwechizvino-zvino kuburikidza nekushandisa dandemutande.

Smart Chitindi (18), uyo ari kuita Form 6 paCranborne Boys High, muHarare, anochema-chemawo nenyaya yemabhuku ekuverenga achiti mashoma kwazvo.

Isheanesu Maswera (16) wekuHoward Mission, kuChiweshe, anotiwo mabhuku ekuvenga pamwe nemakombuyuta mashoma pachikoro chavo izvo zviri kudzorera fundo yavo shure.

“Ndinovimba kuti kana tikawaniswa mabhuku nemakombiyuta akawanda zvinotibatsira kuti dzidzo yedu inge ichireruka. Ndinoona tichibudirira zvikuru,” anodaro.

Vamwewo ndivo vanoti zvikoro zvakakasika kuvharwa vasati vapedza sirabhasi yetemu yadarika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *