Zvidzidzo zveSoftball zvoitwa

SANGANO reZimbabwe Softball Federation svondo rino richaita zvidzidzo zvekuvandudza ruzivo rwevarairidzi nevaridzi vepembe vemutambo uyu kumapurovhinzi anoti Manicaland neBulawayo.

Mutungamiri wesangano iri, Stonard Mapfumo, anoti zvidzidzo izvi zveSoftball Level One Coaching Course zvakakosha zvikuru mukusimudzira mutambo uyu.

“Softball iri kukura zvikuru saka zvakakosha kuti tifambidzane nenguvawo zvekare. Gore radarika, varairidzi vemutambo uyu vakaita zvidzidzo zveLevel One saka tichasangana navo kumapurovhinzi anoti Bulawayo neManicaland uko tinotarisira kunge tichibatsirana navo zvakawanda kudzidzisana zvemutambo uyu,” akadaro Mapfumo. Mapfumo anoti kana vachinge vapedza kuitisa zvidzidzo izvi kumapurovhinzi maviri aya vachaenda kune mamwe kusvikira vapedza mativi mana ose enyika.

Anoti purovhinzi yega-yega ndiyo ichange ichironga kuti inoda kuti zvidzidzo izvi zviitwe rinhi ivo vozongotumira nhengo dzavo kunoitisa zvidzidzo zvacho.

Mapfumo akazivisa zvakare kuti mutambo uyu wave kutambwa kuzvikoro zvepuraimari uye svondo radarika vakasanganawo nevarairidzi vezvikoro izvi vachipangana mazano ekusimudzira softball.

 

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×