TEZVARA VAKAGUMBATIRA MUROORA

  • Baba ndiripei mombe 5: Muroora

  • Asika isu taifambidzana: Tezvara

MUMWE mukadzi wekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, akazonopotera kudare ramambo weko achida kuripwa mombe shanu natezvara vake, vanova sabhuku, avo vaanoti vakamugumbatira iye asingadi.

Sabhuku ari pasi paMambo Negomo uyu akatotongwa akakonwa nemhosva nedare reko ndokuripiswa mombe imwe chete, pane shanu dzaidiwa nemuroora wake uyo anoti tezvara ava vaimukanda shoko rerudo kwenguva refu asi iye achiramba.

Dare raMambo Negomo, VaLucious Chitsinde, rakapa chirango ichi kuna Sabhuku Chirunga, Sinclair Mandaza (71), mushure mekumubata nemhosva yekupfimba pamwe nekugumbatira muroora wake, Maria Chitsinde (56).

Chitsinde mudzimai waAnywhere Chikwamba, uyo anova mwana wemukoma wemudzimai waSabhuku Chirunga. Chikwamba anonzi akasiya mukadzi nevana makore adarika achinogara nemumwe mudzimai.

Pamusoro pezvo, dare raMambo Negomo rakambomisa zvakare Sabhuku Chirunga basa rekutungamirira musha kwemwedzi mitanhatu inotevera nekuda kwehunhu hwake hwekutsvetsva muroora uhu.

Sabhuku Chirunga anonzi akaita nguva yakareba achipfimba muroora wake uyo airamba dakara akazoruka zano rekumutevera kubindu rake uko akasvikomugumbatira achimukanda shoko rerudo.

Muroora Chitsinde akaudza dare iri kuti: “Ndinoda kuripwa mombe shanu dzekundigumbatira ini ndiri muroora wenyu.”

Mambo Negomo vanoti vakawana sabhuku uyu aine mhosva sezvo akabvuma kuti akatevera muroora muroora wake kubindu musi waanonzi akakoromora mhosva iyi.

“Mushure mekuongorora nyaya iyi, takabuda nechokwadi chekuti sabhuku uyu akapara mhaka iyi ndokumuti aripe muroora wake mombe imwe chete yekurasa hunhu kumuroora nekushoresa dunhu redu. Mombe iyi akatoiendesa kumuroora uyu,” vakadaro.

Zvakabuda mudare iri kuti nemusi wa19 Kubvumbi gore rino, Sabhuku Chirunga akaenda kumba kwemuroora wake ndokunowana asiko asi akaudzwa kuti aiva vaenda kubindu uko akamutevera. Anonzi akawana muroora aine mwana wake wemakore gumi nemaviri.

Sabhuku uyu anonzi akasvikombundira muroora wake achitaura mashoko ekuti aida kushinha naye apo anonzi akatanga kurwisana naye ndokuzonunurwa nekamwana kaivapo, ako kanonzi kakashevedzera kune veruzhinji.

Sabhuku Chirunga anonzi aona kuti nyaya yake yakanga yafumuka, akazobva kubindu uku akananga kumba kwake.

“Pamusoro pekumuripisa mombe, sabhuku uyu takambomumisa kutonga musha tikamukumura pini yehusabhuku kwemwedzi mitanhatu inotevera apo tichiona hunhu hwake,” vakadaro Mambo Negomo.

Sabhuku Chirunga akatsinhira nyaya yekuti akaripiswa mombe naMambo Negomo asi akaramba kuti aivhevhetedza muroora kuti amude.

“Mombe ndakabvisa yekuripa muroora ichokwadi. Handizive kuti amai ava vakapindwa nei nekuti taifambidzana zvakanaka zvikuru ndichivapa zvinhu zvaibva kuHurumende sasabhuku. Ndaivapa nezvimwe zvakawanda.

“Nyaya yakazondiparira ndeyekuda derere apo ndakaenda kugadheni kwavo. Semunhu anofarira derere rechipudzi, ndakangovabvunza derere nyaya iyi ichibva yasandurwa. Vakabva vamhanya kunotaurira vanhu zvisizvo,” akadaro tezvara uyu.

Anoti kana chiri chokwadi chekuti akagumbatira muroora wake, sei asina kuridza mhere kuti vamwe vanhu vazvinzwe?

“Ini ndiri kurwadziwa nemombe yandakabvisa nekuti hapana mhosva iripo, kunyara kwandakaita mambo. Inyaya yekurwira husabhuku chete iripo iyi.

“Amai ava (Chitsinde) vari kushandiswa nevamwe vanhu, 17 years ndiri sabhuku kubva 1998 uyewo ndakamboita sarapavana mumhuri yedu. Kana vachida husabhuku ngavatore kwete kuda kundipa mhosva dzinoda kundiendesa kujeri,” vakadaro.

Tezvara uyu anoti nyaya dzemakuhwa mumusha wake dzakatosvika pakuti mumwe mwana wavo mukomana afe nekunwa muchetura.

Chitsinde, uyo ane vana vatanhatu mumusha nemurume wekumutiza, anoti tezvara vake vakanga vatora nguva yakareba vachimupfimba iye achiramba.

“Baba vakazama kutsvaga rudo kwandiri ini ndichiramba ndichivati chivanhu hachidaro. Nemusi uyu mangwanani, baba vakauya kugadheni kwangu vachiti vaida derere rechipudzi. Pavakasvika vakandimbundira vachiedza kundipunzira pasi ini ndokurwisa. Ndakavati ‘nhai baba ndicho chii ichi’ ivo ndokuti vaitoda ini musi uyu. Vakazoona mwana wandaiva naye ane makore 12 uyo vakatya ave kushevedzera vamwe vanhu ndokubva vandisiya,” akadaro Chitsinde.

Muroora uyu anoti akamboda kunomhan’arira tezvara vake kumapurisa asi akazodziviswa nevanhu kuti vaigona kunofira kujeri nekuda kwezera ravo. Mudzimai waSabhuku Chirunga, uyo akaramba kutaura zita rake, anoti murume wake haana mhosva yaakapara kunyangwe zvazvo akaripiswa mombe.

“Kana vanhu vachida kuti murume wangu aende kujeri ngavangoita izvozvo asi haana chaakatadza. Inyaya yekurwira husabhuku nedaka remukadzi uyu nesu, murume wake akapata oga musha kwete nekuda kwedu,” vakadaro.

VaStanlaki Chirunga (68), vanove mwanakomana mukuru mumusha uyu, vanoti pakaitika nyaya iyi amaiguru vake vakauya kusowe kwavaiva vachiti tezvara wavo avakikiritsa kubindu.

“Amaiguru vakauya kumasowe kwataiva vakataura nyaya yavo. Ndakavati vadarikire kwakanzura wedu, VaJohn Mudzonga (48), sezvo ndaiva ndakabatikana,” vakadaro VaMudzonga. Kanzura Mudzonga vakatsinhira kuti Chitsinde akasvika kwavari nenyaya iyi.

“Sezvo Sabhuku Chirunga vari ivo mukuru kumhuri yekwaChirunga, ndakadarikidza muroora uyu kuna Sabhuku Mudzonga kuti vanzwe nyaya yemwanakomana wavo mukuru. Muroora uyu akanozivisa nyaya yake ikatambirwa yakabva yazosvitswawo kwamambo apo vaviri ava vakazoshevedzwa.

“Yakazotongwa tezvara vakaripiswa mombe yakapihwa kumuroora, ivo sabhuku ndokumbokumurwa pini yebasa kwemwedzi mitanhatu,” vakadaro Kanzura Mudzonga.

Sabhuku Chirunga anonzi akatora mukana wekuti muroora uyu anogara nevana vake bedzi sezvo murume wake akasiya mhuri makore matanhatu akadarika.

Sabhuku Mudzonga, VaFriday Mudzonga (84), vanoti nyaya iyi pavakaisvitsa kwamambo yakazotongwa ivo varipo.

“Muroora wedu aida kuripwa nemombe shanu asi dare rakazoti apihwe imwe chete, zvakare sabhuku akazotorerwa pini ndokumbopihwa kukomiti yemusha ichimbotungamirira kuchionekwa hunhu hwake,” vakadaro Sabhuku Mudzonga.

VaAlbert Chisaira (56), avo vanove muzukuru mukuru mumusha waChirunga vakatsinhirawo nyaya iyi.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×