‘Mukadzi wangu imbavha’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekuendesa murume wake kudare redzimhosva akazoshaya pekupinda nekunyara apo akafumurwa kuti imbavha yemakoko achinzi ane katsika kekupinda mudzimba dzehama dzemurume wake achiba zvinhu.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court mushure mekunge Rutendo Chifariranwa amhan’arira Tongai Manitsa achimupomera mhosva yekumushungurudza.

“Changamire, murume wangu anondituka, kundirova nekundityisidzira achiti achandiuraya. Anoti haachadi kugara neni apa tine vana tose.

“Haatende nekuti akambosungwa asi hapana kana hama yake yakamira naye ari mujeri. Ndini ndega ndainomuona nekumupa zvokudya kusvikira abuda,” anodaro Chifariranwa.

Manitsa anopokana nemudzimai wake achiti haadi kutsiurwa uye imbavha gororo.

“Mudzimai wangu haadi kutsiurwa, ndiro dambudziko randiinaro. Ane pakawanda paanokanganisa asi anoda kuti ndisamutsiure ndirambe ndakanyarara.

“Anotora tunhu twevanhu asina kupihwa apa tinogara paimba yevabereki vangu. Anogona kupinda munorara madzikoma angu ongonyamura chinhu izvo zvinondishaisa chimiro pavanhu,” anodaro Manitsa.

Anoti zvakare mudzimai wake haawirirane nehama dzake.

“Nyangwe nehanzvadzi dzangu hazvionane nekuda kweruwoko rwaainaro. Changamire, ndinokumbirawo mundibatsirewo ipapo kuti ndoita sei?” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chifariranwa gwaro redziviriro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×