Zvikoro 105 zvitsva

CDE Lazarus Dokora vachitaura nevana vepaMurongwe Primary School, kuDande svondo rapera. Chikoro ichi, icho chakavamba chiri chemapango nedhaka, chava chimwe chezvikoro zvinoyevedza zvikuru munyika mushure mekunge chavakurudzwa nemauto emuchadenga, eAir Force of Zimbabwe. Chikoro ichi, pamwe chete neMurongwe Health Centre zvava nemagetsi nemakombiyuta.
CDE Lazarus Dokora vachitaura nevana vepaMurongwe Primary School, kuDande svondo rapera. Chikoro ichi, icho chakavamba chiri chemapango nedhaka, chava chimwe chezvikoro zvinoyevedza zvikuru munyika mushure mekunge chavakurudzwa nemauto emuchadenga, eAir Force of Zimbabwe. Chikoro ichi, pamwe chete neMurongwe Health Centre zvava nemagetsi nemakombiyuta.

HURUMENDE yakwanisa kuvaka zvikoro zvitsva zvinosvika 105 mumakore gumi adarika, 66 zvacho zviri zvepuraimari ne39 zvesekondari, iine chinangwa chekuti mwana wose awane mukana wedzidzo.
Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wenhengo yedare iri yeProportional Representation (PR), Mai Jane Nicola Watson.

Mai Watson vaida kuziva huwandu hwezvikoro zvitsva zvakavakwa neHurumende kwemakore gumi adarika.

Cde Dokora vakati Hurumende iri kushanda nesimba mukuvaka zvikoro zvitsva nechinangwa chekusimudzira fundo munyika.

“Huwandu hwezvikoro zvavakwa kwemakore 10 adarika zvinoti 66 zvepuraimari ne39 zvesekondari, zvinoita kuti zvisvike 105,” vakadaro Cde Dokora.

Pazvikoro izvi, kumatunhu anoti Masvingo neManicaland ndiko kune zvakawanda zvakavakwa, uko kune zvikoro 18 zvitsva papurovhinzi imwe neimwe kuchiti kuMashonaland Central kwavakwa zvikoro 12.

KuMatebeleland South kwavakwa zvikoro 11 zvinova zvine huwandu hwakafana nezviri kuMashonaland East.

Mupurovhinzi yeHarare makavakwa zvikoro 10 zvitsva, Mashonaland West kukavakwa 8 ukuwo kuMatebeleland North kukavakwa 7.

Kumatunhu eBulawayo neMidlands ndiko kune zvikoro zvishoma zvakavakwa uko kune zvishanu papurovhinzi imwe neimwe.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×