Zvimhingamupinyi zvovhiringa kutengeswa kwemombe

SANGANO reZimbabwe Association of Abattoirs (ZAA) rinoti bhizimusi rekutengeswa kwemombe dzenyama muZimbabwe parizvino riri kukanganiswa nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira mitemo inofanira kutevedzwa pakutengesa mombe idzi. Mitemo iyi inosanganisira yekuti munhu anenge achida kutenga mombe anofanira kunyoresa nechikamu cheVeterinary Public Health, Agricultural Marketing Authority neEnvironmental Management Agency.

Pamusoro pezvo, pakutengeswa kwemombe dzenyama makanzuru ekumaruwa ane mari yaanobhadharisa iyo inosiyana pakanzuru imwe neimwe uye inogona kuve iri pakati pe$5 ne$40 pamombe imwe chete inenge ichitengeswa.

Vanotenga mombe zvakare vanofanira kunyoresa kuAgricultural Marketing Authority nemari inozvika $150 pagore kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Apo mombe dzinenge dzobviswa padzatengwa panodiwa gwaro rebvumo rinokosha $10 uye hazviitwe pasina mvumo yemapurisa. Kana mutemo wemakanzuru wekumaruwa welevy ukavandudzwa, sezviri kutarisirwa, zvinotaridza kuti mari ichange ichibviswa nemunhu ari kutengesa mombe pamwe neanenge achitenga kusvikira pakuurayiwa kwemombe imwe chete inenge iri $110.

Chirongwa chekutengeswa kwemombe dzenyama chiri kukanganiswa zvikuru nekuda kwemitemo yemakanzuru ekumaruwa iyo iri kungonyuka. Panofanira kukumikidzwa mimwe mitemo inobvisa mutoro uripo parizvino pakutengeswa kwemombe dzenyama.

Chikamu chekutengeswa kwemombe dzenyama ichi chine mukana mukuru wekubudirira kana zvimhingamipinyi izvi zvigadziriswa nenguva.

Zvakadaro, sangano reZAA, rakabatana nechikamu cheDepartment of Livestock Production and Development, richange richipa zvidzidzo kuvarimi vadiki vanopfuya mombe dzenyama musi waGumiguru 1 kunzvimbo yeCC Sales Mt Hampden Sale Pens.

Varimi vanoda kupinda mizvidzidzo izvi vanosungirwa kubhadhara $10 iyo ichange ichisanganisira mari yezvekudya.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×