Zvikoro hazvisati zvava kuvhurwa

Muchaneta Chimuka

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kurambisisa mashoko ari kutenderera pamadandemutande anosanganisira WhatsApp ekuti zvikoro zvichavhurwa pakati pemusi wa2 na15 Gunyana gore rino.

Gwaro rakatumirwa nebazi iri nemusi weChipiri rinoti zvikoro zvicharamba zvakavharwa kusvika Hurumende yazozivisa zvinotevera.

“Tiri kupokana nemashoko ari kutaurwa paSocial Media anoti zvikoro zvichavhurwa nemusi wa2 kana kuti 15 Gunyana gore rino kuti vadzidzi vanyore bvunzo. Nekudaro bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rinozivisa nyika kuti zvikoro zvakambomira kuvhurwa kusvika tazozivisa.

“Hurumende pari zvino iri mushishi kuita ongororo nenhaurwa iri maringe nekuona kuti zvikoro zvingazovhurwa rinhi kana dare reCabinet richinge razotora danho iri,” rinodaro gwaro iri. Bazi iri rinoti vose vachatyora murawu maringe nekuvhurwa kwezvikoro vachasungwa nekudaro pari zvino zvikoro zvose zvinofanira kuramba zvakavharwa.

“Kuvatsigiri vedu, tinoda kukuzivisai kuti bazi redu richaramba richichengetedza nyaya dzeutano muzvikoro zvose zvepuraimari, sekondari kana vanofundira panze (non-formal education),” rinodaro bazi iri.

Zvikoro zvaifanirwa kuvhurwa musi wa28 Chikunguru asi kuzarurwa kwazvo kwakapfuudzwa kumberi nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×