‘Rufu rwaunza donhodzo’

Ray Bande naLiberty Dube

CHEMBERE yekuNyanga yange yasvitsa makore 115 ekuberekwa — iyo nguva pfupi yadarika yakabuda pachena kuti yakauraya vanhu vanodarika gumi vemhuri yayo mukati memakore 10, yakafa svondo rapera.

Veruzhinji vakaungana kubhuku rekwaSaunyama uko vakaviga Mbuya Celepra Nyakwangwa kumakuva ane vamwe vemhuri yavo.

Mbuya Nyakwangwa vanonzi vakangoita maduzu anenge ehutsva panguva iyo utano hwavo hwakatanga kudzikira.

Mwedzi miviri yadarika, mbuya ava vakabuda pachena kuti ndivo vaikonzera kufa kwevanhu vemumhuri yavo.

Vakabva vabvuma kuburitsa zvinhu zvese zvavaishandisa mumabasa ehuroyi zvaiita kuti vemhuri yekwaNyakwanga vatambure mukurarama kwavo. Mbuya Nyakwangwa vakareurura kuti vakauraya vanhu vemhuri yavo vanodarika gumi senzira yekutsividza kutorwa kwakaitwa zvipfuyo zvavo nevana vavo makore makumi mashanu adarika.

Langton Nyakwangwa anove muzukuru wavo anoti vanhu vemunharaunda yavo vanofunga kuti ambuya vake ndivo vaikonzera zvakare mamwe ematambudziko avaisangana nawo.

“MuchiShona zvinonzi ‘wafa wanaka’ saka hatingatauri zvakaipa mushure mekushaya kwagogo asi ndinovimba kuti kushaya kwavo kuchaunza donhodzo sezvo vakakozera kushungurudzika kwevanhu kwakanyanya.

“Mushure mekunge vasarenda zvinhu zvavaishandisa, takatanga kuona shanduko muutano hwavo sezvo hwaidzikira. Kunyangwe zvazvo tiri mukurwadziwa nezvavaiita, rufu rwavo rwaunza donhodzo muraramo yedu semhuri. Ndakatombopumhwa huroyi ndichinzi ndini ndiri kuuraya vanhu kusvika panguva iyo Gogo Nyakwangwa vakazodura nezvemabasa avo zvinova zvakandirerutsira.”

Mbuya Nyakwangwa nguva yadarika vakataura kuti vaida mombe ina semuripo wezvipfuyo zvavo zvakatorwa nevana vavo zvisinei kuti vakazoshaya vasati varipwa.

Langton anoti ambuya vake vakasiya vataura zita remunhu anofanira kuzopihwa mombe idzodzo uye pari zvino vari mushishi yekugadzirira kuti dziendeswe kwaari.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×