Zvikoro, mari nekupasa

Muchaneta Chimuka
ZVIKORO zvemuHarare neChitungwiza izvo zviri pazvikoro 100 zvepamusoro munyika yose (Top 100) pabvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dza2014 zvinoratidza kuti zvizhinji zvacho zvinobhadharisa mari yakaderera asi vana vachipasa kana zvichienzaniswa nezvimwe zvakazvimirira izvo zvinobura madofo asi zvichida makutukutu emari. Kwayedza yakaita ongororo yemari dzinobhadhariswa nezvimwe zvezvikoro izvi patemu sezvinotevera:

Zvikoro zvesekondari nefizi yazvo uye nhamba yazvo pa”Top 100”:

Zvisinei, zvimwe zvikoro, izvo zvakazvimiririra, hazvina kukwanisa kupinda mu”Top 100” nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira bvunzo dzeZimsec sezvo zvichisarudza bvunzo dzeCambridge.

Vamwe vadzidzi vakakurukurwa navo, avo vasina kuda kubuda pachena nemazita avo, vanoti bvunzo dzeZimsec dzinongopaswa nevadzidzi vakawanda kana zvichienzaniswa neCambridge nekudaro vanoda bvunzo dzakaoma.

Asiwo vamwe vakati Cambridge yakapusa pane Zimsec. “Bvunzo dzeZimsec hadzina kusimba zvachose uye dziri nyore kuti dzingopaswa nemunhu, chero asina kuverenga. Pamusoro peizvi, bvunzo dzavo dzinogara dzichingobuda zvisiri pamutemo izvo zvinodzosera vadzidzi shure panguva iyo bvunzo idzi dzinonyorwa,” akadaro mumwe mudzidzi wepachikoro chakazvimiririra.

Zvisinei, pabvunzo dzeZimsec idzi, vakomana vakakwaniswa kukunda vasikana paO-Level apo vasikana vakakundawo vakomana paA-Level uye bvunzo dzemhando iyi dzinocherechedzwa zvikuru kunyika dzakadai seSouth Africa.

Bvunzo dzeZimsec dzakatanga kunyorwa mugore ra2002.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×