Zvikoro zvakapihwa mabhuku

Daphne Machiri

ZVIKORO 36 zvepuraimari zviri mudunhu reMashonaland Central nguva pfupi yadarika zvakawana rubatsiro rwemabhuku ekuverenga, ekunyorera nezvimwe zvinodiwa padzidzo kubva kuRotary Club.

Mabhuku aya akapihwa kuzvikoro izvi neRotary Club of Harare Central, Rotary Club of Burg-Gethin, Rotary International District 198 neRotary Learning Library.

Vachitaura pagungano rekupihwa kwerubatsiro urwu paWadzanai Primary School iri kuShamva, mutungamiriri weRotary Club of Harare Central, Mai Theresa Buluzi vanoti donzvo ravo nderekusimudzira dzidzo, zvikuru kumaruwa. “Dzidzo ikodzero yemwana wose naizvozvo isu sesangano tiripo pakusimudzira fundo mune zvekunyora nekuverengwa kwemabhuku. Zvimwe zvikoro zviri kumaruwa zvine vana vanogona asi vanozoshaya mabhuku saka isu tiripo kuvabatsira.

“Zvakare, zvinorerutsira vadzidzisi mukufamba neSyllabus nenguva nekuda kwekuti mabhuku ekuverenga anenge aripo,” vanodaro Mai Buluzi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mabhuku apihwa anosanganisira 3 000 eduramazwi, 1 000 maAltases nemamwe evadzidzisi.”

Vanoti zvakare vari kuita zvirongwa zvekwizi izvo zvinobatsira kurodza njere dzevana.

“Tiri kushanda zvakare neveShamva District Better Schools. Mwedzi waChikunguru gore rino, tiri kuparura chirongwa cheSpelling Bee neQuiz. Makwikwi aya anosanganisira mibvunzo yezvidzidzo zvakasiyana-siyana pamwe nekuperetera mazwi zvinova zvichabatsira vana kuti vafunge nekukasika.”

Makwikwi aya achapindwa nevana 12 000 kubvira paGrade 5 kusvika 7.

Vanoti zvirongwa zvavari kuita zvinoenderana nezvinangwa zvepasi rose zveSustainable Development Goal nhamba 4, iyo inoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro.

“Tichange tichibatsira zvikoro zvichangosimukira nemabhuku nezvimwe zvinodiwa mukuvandudza dzidzo tichifambirana nekudzidza kuri kuita vana vechikoro pasi rose sekushandiswa kweruzivo rwechimanje-manje,” vanodaro Mai Buluzi.

VaClemence Mutembwa, avo vakafanobata chigaro chaDistrict Schools Inspector weShamva, vanoti vanokoshesa kubatsirwa kuri kuitwa zvikoro zviri mudunhu ravo nemasangano akasiyana.

“Mabhuku akavapo zvinova nyore kuvadzidzisi kuti vafundise vana pamwe nekufambirana nenguva muzvidzidzo. Pakadai hakuna mwana anodofora, dzidzo mberi uye ikodzero yemwana wose,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *