Zvikoro zvobatsirwa nemichina

Rumbidzayi Ngwenya

SANGANO reZimbabwe Chapter of the Forum for African Women Educationalists (FAWEZI) svondo radarika rakapa rubatsiro rwemidziyo inoshandiswa mukuita ongororo yemamiriro ekunze pamwe neyemumarabhoritari kuzvikoro zviri muHarare senzira yekutsigira ruzivo rwesainzi pasi pechirongwa cheScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM).

Zvikoro zvakapihwa rubatsiro urwu rweAtmos 41 Weather Stations zvinosanganisira Oriel Girls, Manyame neMabvazuva High.

Zvimwe ndezvinoti Domboramwari, Epworth, Tafara 1 neTafara 2 High chimwe nechimwe chikawana midziyo inokosha $400 yekushandisa mumarabhoritari.

Sachigaro wesangano reFAWEZI, Mai Irene Mkondo, vanoti vakapa rubatsiro urwu senzira yekusimudzira nyaya dzedzidzo, zvikuru kuvanasikana.

“Donzvo redu sesangano nderekusimudzira vanasikana. Ticharamba tichishanda navo kuti tivasimudzire vagoramba vari muzvikoro. Zvinhu zvinozivikanwa kuti vanasikana vazhinji vari kusiira chikoro panzira nepamusaka pekumitiswa kana kukasika kuroorwa zvichikonzerwa nematambudziko akasiyana anenge akavakomberedza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoziva kuti kana vanasikana vachinge vawaniswa dzidzo, tinofanirawo kutarisa mhando yedzidzo yacho saka rubatsiro urwu rwuchaita kuti vasimukire muzvidzidzo zvakadai seSainzi, Geography, masvomhu, kuziva nezvemamiriro ekunze pakati pezvimwe.”

Mai Mkondo vanoti kushaikwa kwedzidzo yemhando yepamusoro muzvikoro kunokonzerwa nekusavepo kwezvimwe zvinhu zvekushandisa zvakakosha.

Vanotizve rutsigiro urwu rwunobatsira mukufambiswa kwechirongwa chekuvandudza fundo, cheNew Curriculum, uye vanotarisira kuramba vachitsigira zvikoro nezvekushandisa, zvikuru munyaya dzekuongororwa kwemamiriro ekunze.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *