Zvikwata 8 zvorwira kupona pamitambo 2 yasara

Abel Ndooka

SCOTTLAND FC yakanyora nhoroondo svondo radarika apo yakahwinha mukombe weCastle Lager Premier Soccer League (PSL) mumwaka wayo wokutanga muPSL panguva iyo zvimwe zvikwata zvisere parizvino zviri kurwira kuti zvisaburitswe muligi iyi.

Mabviravira yakabikura mukombe uyu yasarirwa nemitambo miviri yokuti itambe muPSL. Pamitambo iyoyi, kunyangwe ikakundwa, hapana zvichashanduka sezvo mukombe watove wayo.

Apo Mabviravira iri kupemberera kubvuta kwayakaita mukombe uyu kubva kuSimba Bhora, nekune rimwe divi, zvikwata zvisere zvinoti Highlanders, Chicken Inn, Manica Diamonds, Dynamos, Bikita Minerals, GreenFuel, Triangle United neYadah zviri kurwira kuti zvigoramba zviri muPSL mwaka unotevera.

Zvikwata izvi zvose zvakangosiyana nezvibodzwa zvitatu. Nokudaro, pamitambo yazvo miviri yasara kuti mwaka wa2025 upere, chikwata chichatadza kuhwinha mitambo yacho chichabuda muPSL, chonanga kuDivision One.

Parizvino, Kwekwe United yakatoburitswa muPSL sezvo mwaka uno, uyo waive wokutanga kwairi muligi iyi, yakangokwanisa kuwana zvibodzwa 10 chete kubva pamitambo yayatamba.

Izvi zvinoreva kuti Kwekwe United yave kungotamba kuti izadzikise mimwe mitambo miviri yasara, zviya sechirango. Pari kutsvagwa zvimwe zvikwata zvitatu izvo zvichaenda nechikwata ichi kuDivision One.

Pamitambo iriko svondo rino, Dynamos, iyo iri kurwira kuti irambewo iri muPSL mwaka unotevera, iri kunanga kuNgoni Stadium, uko ichanosangana neYadah musi weMugovera.

Parizvino DeMbare yakagara pechi13 palog, iine zvibodzwa 37 kubva pamitambo 32. Yadah yakagara pechi17 iine zvibodzwa 34.

Pieter de Jongh

Mumwe mutambo wezvikwata zviri kurwira kuti zvisaburitswe muPSL svondo rino uchange uri pakati peHighlanders neManica Diamonds. Zvikwata izvi zvichitatsurana kuBabourfields Stadium, kuBulawayo.

Zvikwata zviviri izvi zvose zvine zvibodzwa 37 uye mutambo wazvo uyu wakakosha zvikuru zvokuti chichauhwinha chinenge chatora chikamu chikuru mukupona kwacho; kwokuramba chiri muPSL panopera mwaka uno.

Genesis Mangombe

Triangle ichange iri pamusha kuGibbo Stadium, apo ichasangana neKwekwe United musi weMugovera.

Triangle United yakagara pechi16 palog, iine zvibodzwa 34,  saka iri kutofanirwa kutosunga dzisimbe pamitambo miviri yasara kana ichida kuramba iri muPSL gore rinotevera.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *