Zvimbokoma zvotsva kuDomboshava

Abel Ndooka
VATAMBI vetsiva vari kusimukira svondo rinotevera vachawaniswa mukana wekurakidza matarenda avo apo vachakwikwidza mumutambo weHard-Rock Boxing Promotions Harare Province Boxing Amateur Tournament, kuDomboshava. Mutambo uyu uchatambirwa paMverechena Hotel musi wa30 Chikunguru. Mumwe wevarongi pamwe nevakotsveri vemutambo uyu, Issa Phiri weHard-Rock Boxing Promotions, anoti vatambi vazhinji vetsiva vanongotamba mutambo uyu vasingakwikwidze zvekuti hapana kwazvinozovasvitsa.

Anoti mitambo yakadai inobatsira kubika tarenda revatambi vakasiyana pamwe nekuvawanisa mukana wekukwikwidza kuitira kuti vasimukire.

“Muongororo yatakaita, takaona kuti kazhinji vatambi vanongonzi vanotamba tsiva asi vasingakwikwidze pasina kwavanosvika mumutambo uyu saka isu tiri kuvapa mukana wekuti varakidze matarenda avo.

“Mutambi wetsiva anoda kuti agare achikwikwidza nguva nenguva kuitira kuti akazowana mukana wekupinda mumitambo mikuru asaite ngura. Kazhinji vamwe vatambi vedu pavanoenda kunokwikwidza kunze kwenyika vanongokundwa nenyaya iyi, havawaniswe mukana wekukwikwidza muno.

“Hard-Rock Boxing Promotions iripo pakuvasimudzira kuti tarenda ravo ribikwe vagosimukira,” anodaro Phiri. Phiri, uyo anove shasha pakurairidza tsiva, anoti sangano ravo riri kushanda zvakasimba kuti ritangise mutambo uyu kunzvimbo dzekumaruwa dzakaita sekuDomboshava.

“Takaona kuti kumaruwa akaita seDomboshava kune vanhu vakawanda uye tsiva yange isiri kunyanya kutambwa saka isu tiri kushanda nesimba kuti tiitangise munzvimbo dzakadai.

“Pakaita vatambi vakawanda vanotamba tsiva ndinoona kana vakotsveri chaivo vachidira mari yekusimudza mutambo uyu,” anodaro Phiri.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *