Zvimwe zvekuyeuka

YEUKA zvinotevera pamusoro pecoronavirus:

  • Munhu wose imbomira kufamba-famba, gara pamba.
  • Kuungana kweveruzhinji hakufanire kudarika vanhu makumi mashanu.
  • Miganhu yenyika yakavharwa kuti vanhu vasafamba kunze kwevari kudzoka chete.
  • Miganhu yenyika inovhurirwa avo vari kufambira zvakakoshesesa.
  • Kuongororwa kwevari kufambira zvakakoshesesa kunze kwenyika kuri kuramba kuchiitwa.
  • Vanhu vari kudzoka kubva kune dzimwe nyika vanofanira kugara kwavo voga
  • kwemazuva makumi maviri nerimwe.
  • Panodiwa umboo hwemagwaro anoratidza kuti vanhu vari kubva kunyika dzine Covid-19 havana chirwere ichi.
  • Kufamba kusina tsarukano kunze kwenyika nemuZimbabwe hakusi kukurudzirwa.
  • Kurambidzwa kwekuungana kwevanhu munzvimbo dzekunwira doro, kunoitirwa mitambo, kwekusimbirira miviri nemimwewo mitambo kusvika vanhu vazoziviswa.
  • Vanhu vari kukurudzirwa kuti vasaende kumisika.
  • Vashandirwi vari kukurudzirwa kuderedza huwandu hwevashandi.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×