Zvimwe zvikoro zvovakwa kumaruwa

Prince Makuna
HURUMENDE — yakabatana nehomwe yeLotteries and Gaming Fund — iri kushanda nesimba mukuvaka zvikoro zvepuraimari kumativi ose enyika.

Mashoko aya akaziviswa negurukota rezvinoitika mukati menyika nekuchengetedzwa kwetsika, Ambassador Cain Mathema, nemusi weMuvhuro uno apo vaivhura zviri pamutemo dzimba dzekudzidzira pachikoro cheMatoranjera Primary School nepaBiri Primary School, kuMakonde.

“Mamiriro ezvinhu paBiri Primary School ange asina kuita zvakanaka sezvo vana vaidzidzira mumadhirihora efodya ayo ange asina kukodzera zvachose.Nekuda kweizvozvo, Hurumende yakaita kuti pave nemari yekugadzirisa dambudziko iri nekuvakwa kwemabhuroko maviri emakirasi ayo akavhurwa zviri pamutemo munaGumiguru 2015 asi haana kukwanisa kuti vana vose vange vachidzidziramo nekudaro izvi zvakaita kuti pavakwe rimwe bhuroko remakirasi iro rave pedyo kuvhurwa,” vanodaro Ambassador Mathema.

Vanoti makirasi epaMatonjera Primary School akange asakara zvikuru zvikaita kuti Hurumende ipindire nekuvaka dzimwe dzimba dzekudzidzira. Ambassador Mathema vanoti chirongwa cheHurumende chekuvaka dzimba dzekudzidzira kuzvikoro zvekumaruwa chiri kufamba zvakanaka zvikuru.

“Homwe yeLotteries and Gaming Fund Act (Chapter 10:26) iyo iri pasi pebazi rangu rezvinoitika mukati menyika nekuchengetedzwa kwetsika ndiyo iri kuona nezvezvirongwa zvekuvaka pazvikoro, zvikuru kumaruwa izvo zvisingakwanise kunge zvichivaka zvoga.

“Chikumbiro changu chandinoramba ndichidzokorora kune vamwe vangu zvizvarwa zveZimbabwe ndechekuti ngatiyeukei zvikoro zvatakadzidza izvo zvakaumba upenyu hwedu hwatiinahwo nhasi uno,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *