Zvimwe zvinoda chipatara: Dr Moyo

Munyori weKwayedza —
VACHITAURA pamusoro pezviri kuitika kuna Gladys, mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti mukadzi uyu ngaasaita zvekufungidzira asi kuti aende kuchipatara anovhenekwa namachiremba. “Ngaaende kuchipatara anoonekwa nemachiremba anobatsirwa kana kuuya kuChitungwiza kwandiri.

Hatirambe zvinofungwa nevanhu munyaya dzemweya, asi zvinozivikanwa naivo, isu tinorapa nemishonga, mapiritsi, majekiseni nemichina inoona zviri mukati memunhu panyama kwete pamweya.

“Saka zvemweya handitaure nezvazvo, zvine varidzi vazvo kunyangwe ndichienda zvangu kuchechi,” vanodaro.

Prophet Wiriranayi Gomani vechechi yeJubilee International yekuGlen Norah C, muHarare, vanoti dambudziko raGladys rine chekuita nemweya yakaipa.

“Muroyi anogona kuti uite seune zvimwe zvirwere zvakadai seTB asi iwe waroyiwa. Vanhu vachienda kuzvipatara, ngavatange vanamatirwa kuti zvirwere zvavo chaizvo zvinoonekwa. Vamwe vanoenda zvirwere zvosvikoshaikwa, vodzoserwa kudzimba,” vanodaro.

VaPatrick Kapfunde (46) avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti mhuri iyi ngaifambe kune vanogona — vangava maporofita kana n’anga.

“Zviri pachena kuti hurwere uhwu mabasa evaroyi. Munhu akamubata-bata muroyi, akatomupa denda ndokuita sesituroko. Iko kuchipatara ngavaende zvakare vatanga vabatsirwa kuchivanhu kana kumaporofita.

“Paaibatwa nevanhu vaaisaona ava, hatizive pamwe chaitova chidhoma kana chikwambo chaitosiya hunye hwacho,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *