Tapirirwa neNhapitapi yeChiShona Fomu 1

Watadza Mhazo —
KANA uri mudzidzi anoda kutapirirwa nemutauro wechiShona, verenga bhuku rinonzi Nhapitapi YeChiShona Fomu 1 iro rakanyorwa naCDS Hwiridza akabatana naL Viriri rikatsikiswa gore rino neCollege Press.

Kutapira kwebhuku iri kunobva pakuti rakaita dzvetetsvete nebumbiro redzidzo rakavandudzwa (Updated Curriculum) iro rakatanga kushandiswa muzvikoro gore rino ra2017.

Vadzidzi vemutauro wechiShona vanokurudzirwa kushandisa bhuku iri nekuda kwezvikonzero zvinotevera:

Nhapitapi YeChiShona ishamwari yemandorokwati yemudzidzi wanhasi nechikonzero chokuti rinobata zvikamu zvose zvechidzidzo chechiShona zvedanho refomu yekutanga zvinoti: nzwisiso, rondedzero, zvirungamutauro, dudziramutauro pamwe nemisambo (registers).

Bhuku iri iyeuchidzo yetsika, zvitendero nemagariro avaShona. Yeuchidzo iyi inobuda kupfurikidza nenyaya dziri mubhuku dzakadai senhaka, rufu nokuvigwa kwemadzishe, kupira midzimu, kutanda botso nedzimwe dzakasiyana-siyana.

Nyaya idzi dzinodzidzisa vadzidzi vanhasi kuti vayemure tsika dzavaShona. Kupfurikidza nekurangaridzwa kunoitwa vadzidzi nezvetsika dzedu, bhuku iri rinosimbisa pamwe nokususukidza hunhu/vumunhu, ihwo hunova hwaro hwebumbiro redzidzo rakavandudzwa.

Kutekeshera kwaita chiRungu muhupenyu hwedu hwanhasi kwaita kuti vana vadiki varasikirwe nenhaka yetsika nemagariro avaShona. Naizvozvo, bhuku idzva iri rakanangana nekumutsiridza tsika nemagariro.

Nhapitapi YeChiShona ibhuku rakanyorwa nemutauro wakareruka uye unonzwisisika zvinoita kuti vadzidzi vasanetseka kana vachirishandisa. Zvakare, rinopa vadzidzi mukana wokudzidza kuverenga, kutaura, kuona pamwe nekunyora. Hurongwa uhwu hwunoenderana nebumbiro redzidzo rakavandudzwa iro rinokurudzira kuti mudzidzi awane unyanzvi pakupera kwedanho redzidzo.

Zvikamu zvose zviri mubhuku iri zvinoisa mudzidzi pakati pechinangwa chechidzidzo. Kukoshesa mudzidzi ndiro donzvo guru rebumbiro redzidzo rakavandudzwa.

Bhuku iri rinobata nyaya dzakakosha muraramo yanhasi sekuenzaniswa kwemikana pakati pevarume nevakadzi. Bumbiro redzidzo nezvimwe zvirongwa zvemunyika zviri kukurudzira kuti vanhu vechikadzi vawaniswe mikana mune zveupfumi, zvematongerwo enyika nezvimwe zvakasiyana-siyana.

Nhapitapi YeChiShona ishasha pakukurudzira kuchengetedzwa kwakanaka kwenharaunda. Vanyori vebhuku iri vakaona kuti nyaya yekuchengetedza nharaunda inoda kuita muonera pamwe chuma chomuzukuru nokudaro vakabva vasarudza kuti vadzidzi vave neruzivo rwokuchengetedza nharaunda nezviwanikwa zvenyika.

Rinobatawo nyaya zhinji dziri kuitika muupenyu hwanhasi dzakadai semichina yechizvino-zvino (technology), denda reAIDS, zvinoitika kumaruwa pamwe nemudhorobha.

Zvakare, rinosimbisa donzvo rebumbiro redzidzo rekukoshesa mudzidzi kupfurikidza nokupa bvunzo dzekutanga, pakati nekupera kwegore. Iyi inzira yokuda kuona kuti vadzidzi vakanzwisisa here zvavakadzidziswa.

Kuti munyatsozvinzwira, tengai Nhaitapi YeChiShona.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *