Zvimwe zvirimwa zvowoma

Muchaneta Chimuka
ZVIRIMWA zviri kune dzimwe nzvimbo dzenyika zvinonzi zvave kutotangisa kuwoma uye zviri kutyirwa kuti zvinogona kuparara zvachose kana mvura ikasaya mazuva mashoma ari kutevera. Mutungamiriri weZimbabwe Farmers Union, VaAbdul Nyathi, vanoti zvirimwa zvizhinji zvichakanaka kunze kweizvo zviri munzvimbo dzekuchamhembe kwenyika.

“Nzvimbo dzisina mvura yakawana uko zvirimwa zvave kusvava dzinosanganisira Matabeleland South, Matabeleland North, kuchamhembe kweMidlands neMasvingo. Kana nzvimbo idzi dzikakundikana kuwana mvura svondo riri kutevera zvirimwa zvinogona kuparara zvachose. Chirimwa chefodya chakarimwa munzvimbo dzakaoma seidzi chinogona kukundikana munyaya dzegoho,” vakadaro.

VaNyathi vanoti varimi vefodya vazhinji vave kutotangisa kukohwa pamwe nekuomesa chirimwa chavo.
Vakakurudzira varimi vezvipfuyo kuti vacherechedze zvirwere zvinogona kunyuka zvakadai seblack leg, quarter evil netungundu.

Zvakadaro, mutevedzeri werimwe sangano rinomirira varimi reZimbabwe National Farmers Union, VaGarikayi Msika, vakati kurimwa kwedonje munyika kuri kuramba kuchidzikira zvakanyanya.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×